Accessibility links

Breaking News

Sangano reSafe Haven Trust Rave neMuzinda muChitungwiza


Sangano rinobatsira vechidiki, reSafe Haven Trust, ravhura nzvimbo yekutanga muChitungwiza inobatsira nekudzidzisa vechidiki mabasa akasiyana siyana.

Mumwe wevakuru vakavamba sangano iri, VaItai Edson Mudyiwa, vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvasvika pakaipa munyika sezvo vechidiki vazhinji vari kushandisa zvinodhaka, izvo vanoti zviri kunyanya kukonzerwa nekushaikwa kwe mabasa uye ne dambudziko rekushaya mari.

VaMudyiwa vati zvimwe zviri kuitwa neSave Haven Trust kukurudzira hutano hwepfungwa mune vechidiki uye kuvabatsira mukurwisana nedenda rezvinodhaka, vachiti zvinodhaka idenda rakafanana nezvimwe zvirwere zvakaita seshuga naizvozvo rinofanirwa kurwiswa zvakadzama kuti vana ava vaite hupenyu hwavo hwakanaka.

VaMudyiwa vati muzinda wavaita mu Chitungwiza uyu, hauna kunangana nevechidiki vemuChitungwiza chete, vachiti vana vose vanobva kunzvimbo dzakasiyana siyana vanofanirwa kuwana rubatsiro rwavanopa.

Tabata VaMudyiwa kuti vatiudze zhizhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG