Accessibility links

Breaking News

SADC Yoita Musangano weChimbi Chimbi Wokuzeya Matambudziko Ari muMozambique


VaPhillipe Nyusi
VaPhillipe Nyusi

Boka renyika dzekuchamhembe kweAfrica rinoona nezvematongerwo enyika, kudzivirirwa pamwe nekugadzikana kwemukati menyika idzi, re Southern African Development Community (SADC) Organ on Politics, Defence and Security Cooperation, riri kutarisirwa kusangana nemusi weChina kuMaputo guta guru reMozambique kuti rizeye nezvekusagadzikana kuri munyika iyi.

Musangano uyu uri kuitwa zvichitevera kuurayiwa pamwe nekutiza misha kwevanhu vemudunhu reCabo Delgado nechikwata chinopfurikidza mwero chechi Islam chiri kurwisa munyika iyi.

Mhirizhonga iyi inonzi yakatanga muna 2017.

Svondo rapera chikwata ichi chakarwisa nekuuraya vanhu muguta re Palma, izvo zvakaita kuti vamwe vakawanda vatizire musango.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, mutungamiri weBotswana, VaMokgweetse Masisi vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri weMozambique, Va Phillipe Nyusi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano rinorwira kuchengetedzwa kwezviwanikwa re Centre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti chinhu chakanaka kuti SADC ipindire muhondo iri kuitika muMozambique.

Asi VaMaguwu vanoti vanoona sekunge sangano iri rakaregerera vana veMozambique kwenguva yareba kubva pakatanga hondo iyi.

Ngatinzweyi vachitaura naJonga Kandemiiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG