Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vonanga kuMaputo kuMusangano weSADC Troika


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kusimuka vakananga kuMaputo kumusangano weSADC Double Troika, uyo uri kutarisirwa kuzeya dambudziko rekusagadzikana kwakatarisana nedunhu rekuchamhembe kweAfrica pamwe nehondo iri mudunhu reCabo Delgado muMozambique.

Nhepfenyuro yeZBC inoti VaMnangagwa vachatungamira chikwata cheZimbabwe chichange chichinopinda mumusangano uyu.

Mozambique ndiyo ine husachigaro hweSADC Troika pari zvino, uye Malawi ndiyo yave kuzotarisirwa kutora chigaro ichi.

SADC iri kutarisirwa kutumira mauto kudunhu reCabo Delgabo kuitira kuti abatsire hurumende yeMozambique kupedza hondo yakakonzerwa nevanopfurikidza mwero, iyo yasiya vanhu vanodarika zviuru mazana matanhhatu vatiza misha yavo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa mavhinga, vanoti zvakakosha kuti VaMnangagwa vabatane nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC kumusangano uyu, asi vatungamiri ava havafanirwe kukanganwawo kuremekedza kodzero dzevanhu vavo.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG