Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veNyika dzemuSADC Vanoita Musangano Vasingazeye Nyaya yeZimbabwe


Vatungamiri wemuSADC vasangana asi havana kuzeya nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe, izvo zvatsamwisa vanhu nemasangano vakawanda.
Vatungamiri wemuSADC vasangana asi havana kuzeya nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe, izvo zvatsamwisa vanhu nemasangano vakawanda.

Musangano wechimakumi mana wevatungamiri venyika dziri muSADC, we40th Ordinary SADC Summit Heads of State and Government, waitwa neMuvhuro uchitungamirwa neMozambique, vatungamiri vachisangana padandemutande nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Nyaya yekutyorwa kunonzi kuri kuitwa kodzero dzevanhu muZimbabwe haina kutaurwa nezvayo kunyange hazvo masangano nevanhu vakawanda kuchamhembe kweAfrica vanga vachikurudzira kuti ive panhaurwa dzeSADC.

Hurumende yeZimbabwe yagara iri kuramba kuti munyika hamuna kusagadzikana uye kuti iri kutyora kodzero dzevanhu.

Mugwaro rezvatenderanwa kana kuti Communique raburitswa mushure memusangano uyu, SADC yati iri kuda kugadzirisa nyaya dzinosanganisira yematororo ari kurwisa hurumende yeMozambique, kusagadzikana muLesotho neD-R-C uye kunetsana nenyaya yemuganhu pakati peZambia neD-R-C.

Yatiwo inoda kusimbisa nyaya dzekuti madandemutande asashandiswe kukonzera kusagadzikana mudunhu. Vatungamiri ava vatenderanawo kuzadzikisa zvimwe zvibvumirano zvebudiriro munyaya dzezvehupfumi.

Mutungamiri weMozambique, VaPhillipe Nyusi vatorawo husachigaro hweSADC kubva kumutungamiri weTanzania, VaJohn Magufuli. Mutevedzeri waVaNyusi mutungamiri mutsva weMalawi VaLazarus Chakwera.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vapawo husachigaro hwekugadzikana kwedunhu kana kuti SADC Organ on Politics, Defence and Security Cooperation kumutungamiri weBotswana VaMokgweetsi Masisi.

Mutevedzeri waVaMasisi mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa.

Dingindira regore rino ranga rakanangana nekusvitsa makore makumi mana sangano iri raumbwa, kuumba runyararo nekugadzinaka, pamwe nekusimudzira budiriro nekushingirira mumatambudziko epasi rose, kana kuti “40 Years Building Peace and Security, and Promoting Development and Resilience in the Face of Global Challenges”.

Sachigaro veAfrican Diaspora Global Network, rimwe remasangano anyorera tsamba kuSADC achida kuti nyaya yeZimbabwe ikurukurwe nezvayo, Doctor Vusumuzi Sibanda vanoti kusakurukurwa kwenyaya yeZimbabwe sezvavanga vachikurudzira kunovakatyamadza zvikuru sezvo kuchisiya vanhu vasina chivimbo nesangano iri zvakare.

Doctor Sibanda vanoti kusataurwa kwenyaya iyi kunoratidza kuti vatungamiri venyika dzekuchamhembe kweAfrica ava vanoona vanhu semidziyo yekungoshandisa kuti vaiswe pazvigaro.

Vanoti danho ravave kutora iye zvino kunyora zvakare imwe tsamba ichienda kuna sachigaro mutsva weSADC, VaNyusi, vachivazivisa kuti kubva pari zvino vachatora matanho ekuti vataure nevanhu pamwe nemasangano muSADC kuti vanyorere sangano iri vachiriratidza pose pariri kutadza uye kuti hapana chikonzero chekuti rivepo kana vatungamiri vachingoita zvekufadzana ivo pachavo chete.

Hurukuro naDoctor Vusumuzi Sibanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG