Accessibility links

Breaking News

Masangano emuSADC Anosvitsa kuSADC Summit Gwaro reNyunyuto Pane Zviri Kuitwa neHurumende yaVaMnangagwa


Zimbabwe Human Rights NGO Forum
Zimbabwe Human Rights NGO Forum

Masangano manomwe emudunhu reSADC ari kusangana kumucheto wemusangano we SADC Ordinary Summit wechimakumi nemana, akabuda nezuro negwaro rine zvaanoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe pamwe nezvaanoda kuti zviitwe mukugadzirisa matambudziko aya.

Gwaro iri rakasvitswa kuhurumende yeZimbabwe, kusangano reSADC pamwewo nekusangano reAfrican Union.

Masangano anoti re Zimbabwe Human Rights NGO Forum, reSouthern Africa Human Rights Defenders Network, reHuman Rights Institute of South Africa (South Africa), reCenter for Democracy and Development (Mozambique), re DITSHWANELO - Botswana Centre for Human Rights (Botswana), re Malawi Human Rights Defenders Coalition (Malawi) pamwe nere Chapter One Foundation (Zambia), akabatana ose mukunyora gwaro iri.

Hurumende yeZimbabwe iri kupomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu, asi mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nebato reZanu PF vanoramba kuti munyika muri kutyorwa kodzero dzevanhu, vachiti mashoko evanhu vari kuda kusvibisa zita renyika.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Doctor Musa Kika, vanoti chakaita kuti vanyore gwaro iri ndechekuda kuburitsa pachena matambudziko avari kusangana nawo muZimbabwe pamusoro pekodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG