Accessibility links

Breaking News

SADC Yokurudzira Nhengo Dzayo Kutora Matanho paNyaya yeZvirango zveZimbabwe


SADC
SADC

Sangano remubatanidzwa wenyika dziri kumaodzanyemba kweAfrica, reSADC, riri kukurudzira nhengo dzaro kuti dzitore matanho akasimba musi wa25 Gumiguru, unove mwedzi uno, mukukurudzira kubviswa kwezvirango zvehupfumi zvinonzi zvakatemerwa vamwe vatungamiri muhurumende pamwe nemamwe makambani ainodyidzana nawo.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori mukuru wesangano reSADC, Doctor Stergomena Tax, vanoti nyika gumi nenhanhatu idzo dzinoumba sangano iri dzakatarisirwa kuita kana chii zvacho asi chiine hudzamu mukukuridzira kubviswa kwezvirango zvehupfumi izvo vanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika yeAmerica pamwe nedzimwe dziri kumawirira.

Doctor Tax vanoenderera mberi vachiti sangano ravo rakatora danho rekubatsirana neZimbabwe mukurwa hondo yekubviswa kwezvirango izvi nokuti ndizvo zviri kuita kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvidye nhoko dzezvironda.

Asi nyanzvi munyaya dzemutemo, uye vachidzidzisa mutemo paGaborone University College of Law and Professional Studies, VaCharles Kungwengwe vanoti SADC yakafanira kutsvaga kuti chakaita kuti musoro uteme chii muZimbabwe.

VaKungwengwe vaudza Studio7 kuti SADC yakafanira kutora chidzidzo munyika yeAmerica neidzo dziri kumawirira nokutemerawo Zimbabwe zvirango zvehupfumi senzira yekukurudzira hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti igadzirise zvinhu munyika.

Vachitsigira mashoko aVaKungwengwe, chimwe chizvarwa cheZimbabwe icho chinogara nekurarama nechamuka inyama mudhorobha reFrancistown, VaAlex Chikwanda vanoti huwori nehumbimbindoga ndizvo zvaita kuti zvinhu zvite manyama amire nerongo munyika.

Asi Muzvare Memory Mutizira, avo varorarama nekuruka misoro mudhorobha reGaborone vanoti matambudziko ari munyika ava kuda kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviise misoro pamwechete kuti zvinhu zvigadzirisike nekukasika.

Chisungo chekubatsira Zimbabwe chakatorwa pamusangano wechimakumi matatu nepfumbamwe wevatungamiri venyika dzemuSADC uyo vakaitirwa muTanzania mumwedzi waNyamavhuvhu gore rino.

Mugore ra2001, hurumende yeAmerica yakadzika mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kana kuti ZIDERA, senzira yekukurudzira hutongi hwejekerere pamwe nekuwandudza hupfumi hwenyika muZimbabwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG