Accessibility links

Breaking News

Sabi Gold Mine Yodzinga Vamwe Vanhu Mudzimba Dzayo


Imwe yemigodhi yegoridhe muZvishane

Vaimbove vashandi vemughodhi weghoridhe we Sabi Gold Mine muZvishavane vanosvika makumi mana vari kunzi vabude mudzimba dzekambani iyi dzavari kugara.

Vanhu ava vanzi vanofanirwa kuita izvi musi wa 31 Zvita usati wapfuura.

Vamwe vari kuziva zviri kuitika vanoti vari kunzi vabude mudzimba idzi ndevaye vashandi vakasiya kambani iyi payakambovhara vachienda kunoshandira mamwe makambani asi vachigara hazvo padzimba dzeSabi Mine vachiti vanoda kutanga vapihwa mari dzavo.

Magweta ekambani iyi, veMutendi, Mudisi and Shumba, vabvuma kuti ichokwadi kuti ndivo vari kumirira Sabi Gold Mine, asi gweta riri panyaya iyi, ranga risiri kubatika sezvo range risiri pabasa.

Mutungamiri wesangano rinomiririra vashandi vemumigodhi, reNational Mine Workers Union of Zimbabwe, VaNdodana Sithole, vati nyaya iyi yasvitswa kusangano ravo uye vari kumhanyamhanya kuti vanzwisise zviri kuitika kuitira kuti kuti vaone kuti sangano ravo ringabatsira sei.

Mumwe wevashandi vari kudzingwa mudzimba asi aramba kudomwa nezita audza Studio7 kuti vamwe vashandi vakatoshaya kare vasati vapihwa mari dzavo, uye pane chirikadzi dzisina kokuenda kana dzikadzingwa mudzimba dzavari kugara.

Tsvakiridzo yaitwa neStudio7 inoratidza kuti kambani yeSabi Gold Mine yakatanga kushanda muna 1890, uye ikatanga kutengesa goridhe muna 1909.

Kambani yehurumende yeZimbabwe Mining Development Corporation, ZMDC, ndiyo yakazova muridzi weSabi Gold Mine, kuburikidza nekambani yayo yeKimberworth Investments.

Hurumende yakatora mugodhi uyu muna 1984, uye panguva yayaishanda nemazvo, Sabi Gold Mine inonzi yaikwanisa kuchera goridhe rakacheneswa rinorema makirogiramu makumi mashanu pamwedzi wega wega.

Kambani iyi yaivawo nevashandi vanosvika mazana mana nemakumi mashanu.

Asi muna 2012, gwaro repagore reZMDC rinoratidza kuti Sabi Mine yakatengesa goridhe rine huremu honosvika zana nemakumi mapfumbamwe emakirogiramu, ikawana mari inoita iyo mamiriyoni mapfumbamwe nemazana mapfumbamwe ezviuru zvemadhora.

Asi huremu nemari yakawanikwa zvaive pasi pezvakawanikwa muna 2011.

Studio7 haina kukwanisa kuwana magwaro epagore rega rega eZMDC kubva muna 2013 kusvika muna 2017.

Zvichitevera kuoma kwezvinhu mumashandiro ekambani iyi, Sabi Mine yakanga yotadza kubhadhara zvikwereti zvayo, pamwe nekubhadhara mihoro yevashandi vayo.

Izvi zvakaita kuti ivharwe pasi pemutongo wematare, VaWesley Sibanda, vakanzi vave mukuru anoona kushanda kwekambani iyi vakamirira matare edzimhosva.

Muna 2014 ZMDC yakaita chibvumirano chekushanda pamwe chete nekambani yeChandiwana Mining Corporation, iyo ine vanhu vanhu vanosvika zviuru zvishanu vakaisa mari dzavo mukambani iyi.

Hapana kujeka kuti vanhu ava ndivanani kunyange hazvo zvichinzi vanosanganisira vari kunze kwenyika nevari munyika.

Kambani yeChandiwana inonzi yakaisa mari inoita mamiriyoni makumi maviri nematanhatu emadhora kuitira kuti Sabi Mine itange zvakare kushanda.

VaSibanda vakaudza vatori venhau nguva pfupi yapfuura kuti Sabi Mine yakanga yava kutobhadhara zvikwereti zvayo uye vachiti kuti vapedze kubhadhara zvikwereti izvi, panoda makore akati wandeyi.

Vakatiwo Sabi Mine yakanga yobhadharawo mari yemihoro yevashandi vayo iyo yakanga yokundikana isati yasvharwa, iyo vanoti yakanga yosvika kumamiriyoni matatu emadhora.

Studio7 haina kukwanisa kubata VaSibanda kuti tinzwe pamire nyaya iyi, kusanganisirawo vashandi vari kunzi vabude mudzimba dzekambani iyi.

Asi vari kuziva zviri kuitika vanoti pane vashandi vachisiri vashandi veSabi Mine vari kuti vari kuda kutanga vabhadharwa mari dzavo dzose neSabi vasati vabva mudzimba idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG