Accessibility links

Breaking News

South Africa Inokurudzirwa Kubuda Pachena Ichishora Kushungurudzwa Kwevatyairi Vekunedzimwe Nyika


Magonyeti
Magonyeti

Zvichitevera kurwiswa kwakaitwa vatyairi vemagonyeti vekune dzimwe nyika muSouth Africa, mashoko atiri kutambira anoti paita kuwirirana muhurukuro pakati pevatyairi vemagonyeti vemu South Africa, vesangano rinonzi All Truck Drivers Foundation, ATDF, nevatyairi vemagonyeti vekune dzimwe nyika pamusoro pekumira kurwisana.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu uye vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti izvi hazvifanirwi kutorwa sechokwadi kusvika mapurisa emu South Africa, pamwe chete numutungamiriri wenyika iyi, VaCyril Ramaphosa, vabuda pachena vachirambidza kurohwa kwevatyairi vemagonyeti vekune dzimwe nyika.

VaMavhinga vashora mapurisa emu South Africa mushure mekunge vati varikuita hurukuro nevanhu vari kurova vatyairi vekune dzimwe nyika, vachiti vanhu vese vakarova vatyairi vekunedzimwe nyika vakapisa motikari dzavo vanofanirwa kutongwa uye mapurisa haana chikonzero chekuita hurukuro nevanhu vakatyora mitemo.

Vati vanhu ava vanoona kunyarara kwemapurisa nekwe mutungamiriri wenyika semvumo yekuti varove vanhu zvavarikuita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG