Accessibility links

Breaking News

Apo Rwanda iri kuCherechedza Kupondana kweMarudzi, Mumiriri Wayo muZimbabwe, Anokurudzira Kubatana


Mifananidzo yevamwe vevanhu vakafa mukurwisana kwemarudzi muRwanda ichiratidzwa mune imwe nzvimbo iri muguta guru renyika iyi reKigali, musi wa 05 Kubvumbi 2014.
Mifananidzo yevamwe vevanhu vakafa mukurwisana kwemarudzi muRwanda ichiratidzwa mune imwe nzvimbo iri muguta guru renyika iyi reKigali, musi wa 05 Kubvumbi 2014.

Apo Rwanda iri kucherechedza makore makumi maviri nemashanu kubva paitika kupondwa kwemarudzi muna 1994, mumiriri wenyika iyi muZimbabwe, VaJames Musoni, vanoti zvakakosha kuti vana veZimbabwe vabatane nekushanda pamwe kuitira kuti nyika ive nerunyararo nebudiriro.

Muhurukuro yataita navo mumusha weGlen Norah muHarare, VaMusoni vati kupondana kuRwanda kwakaitika nekuda kweruvengo rwange rwagara rwuripo pakati pemarudzi kwenguva yakareba.

Asi vati izvi zvakapera mushure nekunge vanhu vaona kuti vaifanirwa kushanda pamwe nekubatana kuitira kuti nyika yavo ifambire mberi.

Vati nekuda kwaizvo, zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe, kusanganisira mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mangagwa, mapato akasiyana siyana, masangano nevanhuwo zvavo, vashande pamwe mukusimudzira nyika.

VaMusoni vati kunyange hazvo Zimbabwe isingakwanise kutevedza zvese zvakaitwa neRwanda, zvakakosha kuti pave nerudo, nekubudirana pachena pane zvakaitika pamwe nekunyaradzana kuitira kuti pave nekuvimbana kuti vanhu vakwanise kugara zvakanaka pasina kurwisana.

VaMusoni vati sekuona kwavo Zimbabwe inogona kufamba negwara rakafamba neRwanda kana vanhu vese vakatevedzera gwara rehurumende rekusimudzira hupfumi nemagariro evanhu reVision 2030.

Rwanda ichatanga kucherechedza makore makumi maviri nemashanu paitika kupondwa kwemarudzi nemusi weSvondo uye muZimbabwe mucherechedzo uyu uchaitwa kuArrupe Jesuit University muHarare nemusi weChishanu chinotevera.

MuZimbabwe makapondwa vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nemasoja ehurumende kumatunhu eMatabeleland neMidlands kuma80s uye kusvika pari zvino hapana zvati zvaitwa kuranga vakauraya vanhu, kuripa kana kunyaradza vakafirwa kana kubvuma chaiko kuti izvi ndozvaitika kuti vanhu vemumatunhu aya vakagadzikane mupfungwa dzavo.

Nhengo yebdhodhi resangano rePlatform for Youth Development, VaOwen Dhliwayo, vaudza Studio 7 kuti vanofara chose kuona kuti VaMnangagwa vari kudzidza kubva kuRwanda zvichibudikidza nekutanga kwavakaita National Clean Up Campaign iyo yave nemwedzi yakawanda ichiitwa muZimbabwe.

Asi vati vangafara chose kana VaMnangagwa nehurumende yavo vakadzidza kubva kuRwanda kuti yakaita sei kupedza hondo yemarudzi pamwe nekunyaradza nyika iyi izvo zvaita kuti ive imwe nyika yakabudirira chose muAfrica.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti hongu Rwanda yakaita zvakanaka chose, asi vakati havafari kuti mutungamiriri weRwanda, VaPaul Kagame, vanombunyikidza vemasangano anopikisa.

Zvichakadai mumiriri weRwanda, vashandi vekumahofisi ake nevashandi veRwandaAir nhasi vabatana naMeya weHarare, VaHebert Gomba, mukutsvaira mumusha weGlen Norah pasi chirongwa cheNational Clean Up Campaign icho chinoitwa Chishanu chekutanga pamwedzi wega wega.

VaGomba vaudza Studio 7 kuti vanofara chose kuti chirongwa ichi chiri kutambirwa nevagari vakaenderera mberi vachiti izvi zvaderedza dambudziko remarara muguta.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG