Accessibility links

Breaking News

Muzvare Rushwaya Vanomiswa Pamberi peDare Vachipomerwa Mhosva yeKuda Kuburitsa Goridhe Munyika Zvisiri paMutemo


Henrietta Rushwaya 3

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Miners Federation, Muzvare Henrietta Rushwaya, vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti mushure mekubatwa vaine goridhe panhandare yeRobert International Airport vachida kuenda kuDubai.

Muzvare Rushwaya, avo vakambove chief executive officer weZimbabwe Football Association, vamiswa pamberi pedare masikati eChipiri vachipomerwa mhosva yekuda kuburitsa goridhe kunze kwenyika zvisiri pamutemo.

Muzvare Rushwaya vakabatwa panhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport vave kuda kukwira ndege vaine goridhe ranzi nemuchuchisi wenyaya iyi, VaCharles Muchemwa, rairema makirogiramu matanhatu vasina magwaro ekuti vabuditse goridhe iri kunze kwenyika.

VaMuchemwa vati hurumende haisi kupikisa chikumbiro chekuti Muzvare Rushwaya vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti vanofanirwa kusiya mari yechibatiso inoita zviuru makumi mapfumbamwe zvemadhora ari maRTGS.

Mutongi wedare VaNgoni Nduna vati Muzvare Rushwaya vambonorara muchitokisi vagodzoka kudare mangwana kuitira kuti muchuchisi wenyaya azopa zvikonzero zvekuti sei abvuma kuti Muzvare Rushwaya vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaNduna vati nguva yanga yapera yekuti vanzwe zvikonzero izvi.

Zvaitika mudare zvatsinhirwa negweta raMuzvare Rushwaya, VaTapson Dzvetero.

Sangano renhau repadandemutande re TheNewsHawks rinoti mumwe murume anonzi ane chekuita nenyaya yegoridhe raMuzvare Rushwaya, uye ari musori, VaSteven Tserayi, vambomiswa basa.

Studio7 yaedza kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, asi havana kunge vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo.

Hatinawo kunzwa divi ra VaTserayi panyaya iyi.

Gurukota rinoona nezvinoitika mukati wenyika, VaKazembe Kazembe, vakaudza vatori venhau svondo rapera kuti nyika iri kurasikirwa nemari inoita mamiriyoni zana emadhora ekuAmerica kubudikidza nekubuditswa kwegoridhe zvisiri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG