Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Voda Bhonasi Ravo ra2016


Exchange Rate
Exchange Rate

Sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, rinoti riri kukurudzira varaidzi vose kuti vatange kutora matanho ekusashanda zvine simba senzira yekuratidza kunyunyuta kwavo nekunyarara kwehurumende pamusoro pemari dzavo dzemabhonasi egore rapera.

Mutungamiri wesangano iri, VaObert Msaraure, vanoti sangano ravo rasvika padanho iri nekuona kuti hurumende iri kuramba ichivabata nekunze kweruoko asi uku vakuru vehurumende vachidya vachipfachura.

Asi sachigaro wesangano rinomirira vashandi vehurumende vose reApex Council, Amai Cecilia Alexander, vanoti havatsigire hurongwa hwekuti vashandi vatange kuramwa mabasa sezvo nhaurirano nehurumende pamusoro penyaya iyi dzichiri kuenderera mberi.

Amai Alexander vaudza Studio 7 parunhare kuti vakapa hurumende kusvika kupera kwemwedzi uno kuti inge yavapa mazuva aichabhadhara vashandi vayo mabhonasi avo, kana zvazokundikana vashandi vozotora matanho.

Asi VaMasaraure vanoti seAmalgamated Rural Teacheras Union of Zimbabwe havaneyi nepfungwa yekumirira nhaurirano sezvo vachiziva kuti hapana chinobuda munhaurirano idzi.

Hurukuro naVaObert Masaure
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG