Accessibility links

Breaking News

Artuz Youngana neChishanu kuHofisi yaVaMthuli Ncube Ichichema Kufa kweMihoro?


ARTUZ Teachers Walk
ARTUZ Teachers Walk

Sangano rinomirira kodzero dzevarairidzi vekumaruwa rinoti riri kuungana neChishanu kumahofisi egurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, richichema kwarinoti kuparara kwaita mihoro yavo.

Sangano reAmalgmated Rural Teachers Union of Zimbabwe, Artuz, rinoti richange rakapfeka mbatya nhema musi unotambira varairidzi mari dzavo mwedzi wega wega senzira yekuratidzisa kuchema kwaro rufu rwemihoro yevarairidzi.

Munyori wemukuru wesangano iri, VaRobson Chere, vanoti vari kuenderera mberi nekuungana pamuzinda wegurukota rezvemari, izvo zvavachapota vachiita mwedzi wega wega.

VaChere vanoti vachatanga kupfeka mbatya nhema nemusi weChishanu, uye vachaita izvi musi wavanotambira peyi yavo yepamwedzi mwedzi wega wega.

Sangano iri rinoti haridi kupihwa mvumo nemapurisa yekuenda kumahofisi aVaNcube sezvo richibvumidzwa nemutemo kuita misangano pasina kuzivisa mapurisa.

VaChere vanoti pane mutongo wedare wakatara kuti mapurisa asapindire mumisangano inenge yakarongwa nesangano ravo, nokudaro vanovimba kuti mapurisa achiri kuremekedza mutongo uyu.

VaChere vanoti mihoro yevarairidzi yaparadzwa nekudhura kuri kuita zvinhu munyika pamwe nekupera simba kwedhora remunyika.

VaChere vanoti murairidzi ari kutambira mari inoenzana nemadhora ekuAmerica makumi matatu pamwedzi, kunyange hazvo vaisitambira mazana mashanu emadhora ekuAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG