Accessibility links

Breaking News

Vadzidzisi VekuMaruwa Vanoti vaveKushungurudzwa neVasori VeCIO


VaObert Masaraure
VaObert Masaraure

Sangano revadzidzisi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, rinoti raudza magweta aro kuti vafambise nyaya yekutyisidzirwa kwavari kuitwa nevanofungidzirwa kuti vasori veCIO.

Mukuru weARTUZ, VaObert Masaraure, vanoti pane varume vatatu vanozivikanwa varikutyisidzira nhengo dze sangano ravo uye vachitaura pachena kuti vari kuzoparadza sangano iri.

“Chekutanga vanoti kuendesa kwatakaita Zanu-PF kumatare edzimhosva kuti iregere kushandisa vana, maticha nezvinhu zvezvikoro."

Vanoenderera mberi vachiti, "Chepiri vanochema nesu kuti makaendeserei ZEC kumatare edzimhosva uye, chechitatu, vanoti takaenderei kuConstitutional Court nenyaya yevadzidzisi,” VaMasaraure vakaudza Studio 7.

Zvichakadaro, ARTUZ yaburitsawo gwaro ichiti inomira pamwe chete nevarairidzi veku Swaziland avo vari kunetsana nehurumende yavo pamusoro pemari yemuhoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG