Accessibility links

Breaking News

Nhengo Pfumbamwe dzeARTUZ Dzinosungwa kuMacheke


ARTUZ Teachers Walk
ARTUZ Teachers Walk

Mapurisa ekuMacheke asunga nhengo pfumbamwe dzesangano re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, apo dzange dzichifora dzakananga kuHarare.

Sangano iri rinoti riri kufamba netsoka kubva kwaMutare richienda kuHarare kunosvitsa zvichemo zvinonganisira kuti varairidzi vatambiriswe mari yemadhora ekuAmerica, kwete kupihwa bond notes.

Vasungwa ava vanosanganisira mutungamiri wesangano iri, Va Obert Masaraure.

Mutevedzeri wemutungamiri weARTUZ, Amai Gaudencia Mandiopera, vanoti mushure mekutorwa nemapurisa, vamwe vavo vazondeswa kukamba yemapurisa kuMarondera.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa, sezvo mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanga vasingadaire nhare mbozha yavo.

Amai Mandiopera vanoti vashamiswa nezvaitwa nemapurisa sezvo vakazivisa mapurisa nezvehurongwa hwekufora kwavo.

Varairidzi ava vakatanga rwendo rwavo kwaMutare musi wa 9 Zvita vaine chinangwa chekuratidza hurumende kuti havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Kufora uku kunonzi Salary Caravan, uye ARTUZ inoti ichaenderera mberi nekufamba netsoka kudzamara vapedza rwendo rwavo, uye kusvitsa nhuna dzavo kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya yemihoro iyo ARTUZ inoti inoda kubhadharwa nemadhora ekuAmerica, kwete nema bond note.

Hurongwa hweARTUZ hunoitika panguva iyi vana chiremba vemuzvipatara zvehurumende vari kuratidzira vachiti vanodawo kuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo pamwe nekugadzirisa zviri kunetsa muzvipatara zvehurumende kuitira kuti varwere varapwe nemazvo uye vachiwana mishonga inovakwanira muzvipatara izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG