Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voramba Kubhadhara Mitero kuKanzuru yeGutu Rural Council


Despite forecasts of above-average rainfall, some of parts of Zimbabwe have yet to receive rains a month after the beginning of the season. Here in rural Gutu, Zimbabwe, about 300 kilometers south of Harare, farmers did dry planting in November and are wa
Despite forecasts of above-average rainfall, some of parts of Zimbabwe have yet to receive rains a month after the beginning of the season. Here in rural Gutu, Zimbabwe, about 300 kilometers south of Harare, farmers did dry planting in November and are wa

Kanzura weWard 27 kwaGutu, Alderman Jeffreys Tangemhare, vanoti vanhu vakawanda munzvimbo yavanomirira havachadi kubhadhara mitero kunzuru nekuti vave nenguva yakareba vasina rutabatsiro rwavanowana kubva kunzuru iyi.

Alderman Tangemhare, avo vari kanzuru wenzvimbo iyi vachimirira MDC – T kubva muna 2005, vanoti nzvimbo iyi yakatarisina nematambudziko akawanda akaita sekuti migwagwa yave nenguva yakareba isina kugadzirwa izvo zvave kuita kuita vashaye zvekufambiswa.

Alderman Tangemhare vanoti izvi ndizvo zvave kuita kuti vanhu vasade kubhadhara mitero.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kukanzuru yeGutu kuti ichaita seyi nevagari vari kuramba kubhadhara mitero.

Alderman Tangemhare, avo vanove nhengo imwe chete yeMDC-T mukanzuru ine makanzura makumi mana nemumwe, vanoti zvakakosha kuti vanhu vabhadhare mitero sezvo zvikamu makumi mana kubva muzana zvemari yemitero ichidzorerwa kumaWardkuti asimudzire nzvimbo idzi.

VaTangenhare vanoti kunyange hazvo pasina rutsigiro rwakanyanya kubva kukanzuru mumabasa ebudiriro, ivo pachavo vachishanda nevamwe kubva kubato ravo, vedzisvondo nevamwewo, vari kuvaka mabhiriji.

Mumwe mugari wemuWard 27, Amai Rejoice Mago, vaudza Studio 7 kuti vanhu vari kuomerwa nehupenyu izvo zviri kuvatadzisa kubhadhara mitero yakaita seyemombe nezvimwe.

Asi vamwewo vakaita saVaLast Mafuratidze vanoti vanotarisira kuti zvinhu zvichanaka sezvo pave nehurumende itsva asi vanoti pari zvino hapasati pave neshanduko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Makanzuru emumaruwa haawani semakanzuru emumaguta ayo anowana mari nezvinhu zvakaita sekupa vagari mvura, kuvatakurira marara, pamwe nekutengesa nzvimbo dzekuvakira dzimba nemabhizimisi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG