Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoudzwa neMatare Kuti Isashandise Vana veChikoro Mumisangano Yayo


Musikana wechikoro
Musikana wechikoro

Zanu PF yaudzwa nedare repamusoro kuti haifanirwe kumanikidza vana vechikoro kuenda kumisangano yayo, uye kuti isashandise midziyo yezvikoro.

Vachipa mutongo wavo panyaya yakakwidzwa kudare nesangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, VaJoseph Mafusire varambidza Zanu PF kuitira misangano yayo yekukwezva rutsigiro pazvikoro uye kushandisa midziyo yezvikoro yakaita semabhazi.

Mushure mekunzwa mativi ose kubva kugweta ranga richimirira Zanu PF, VaMichael Mushangwe, negweta re ARTUZ, VaDoug Coltart, VaMafusire vati dare raona paine humbowo hwakadzama hwunoratidza kuti kodzero dzevana vechikoro nevadzidzisi dzainge dzichimbunyikidwa neZanu PF uye kutyorwa kwemubumbiro remitemo yenyika.

VaMafusire vati kumanikidza vana kuenda kumisangno iyi kunogona kukuvadza pfungwa dzavo zvisingazogadzirisiki nekudaro hapana anofanira kuramba achivamanikidza.

VaColtart vati vagamuchira mutongo wedare nemufaro vachiti mutongi aremekedza kodzero dzevana vechikoro uye vadzidzisi.

Asi VaMushangwe vati havana kufara nemutongo uyu vachiti hauna kuitwa zvakanaka.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muARTUZ muMasvingo, Muzvare Precious Manyoka, vanoti vatambira mutongo uyu nemufaro.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanoti Zanu PF inofanirwa kuremekedza mutongo wapihwa nedare redzimohosva.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG