Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Inogona Kuchinja Bumbiro reMitemo yeNyika Kana Ichida


Zanu PF press conference
Zanu PF press conference

Bato reZanu PF rinoti harina chekutya pasarudzo dze by-elections sezviri kutaurwa nevanopikisa richiti ndiro rine nhengo dzakawanda mudare reNational Assembly pamwe nemuSenate, uye rinogona kuumba mitemo kana kuchinja bumbiro remitemo yenyika pamadiro.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare, vakafanobata chigaro chemutauriri weZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vati kunyange hazvo vachiwirirana nechisungo chehurumende chekumbomisa sarudzo senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, vati bato ravo rakagadzirira kuita sarudzo chero nguva.

VaChinamasa vati MDC Alliance iri kunyepera veruzhinji kuti Zanu PF ndiyo iri kudzivirira kuti kuitwe sarudzo zvichitevera kudzingwa kwedzimwe nhengo dzeMDC Alliance mudare reSenate nereNational Assembly pamwe nemakanzura akawanda kwakaitwa neMDC-T.

VaChinamasa vati Zanu PF haina basa rakanyanya nesarudzo idzi.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vati Zanu PF haigoni kuzvichenesa panyaya iyi vachiti bato iri ndiro riri kupesvedzera kudzingwa kwenhengo dzeMDC Alliance pazvigaro zvehutungamiriri.

VaHlatywayo vati vanhu vanofanirwa kupiwa mukana wekusarudza vatungamiriri vavanoda.

VaChinamasa vatiwo kunyange hazvo sarudzo dzakambosendekwa, bato ravo riri kuenderera mberi nekusarudza vachazomirira bato iri asi vachitevera zvinodiwa nezvinokurudzirwa mukudzivirira chirwere cheCOVID-19.

Kunyange hazvo hurumende iri kurambidza kuungana kjwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19, VaChinamasa vazisa kuti hurongwa hwavo hwekuratidzira kusafarira zvirango zvakatemerwa nyika huri kuenderera mberi mwedzi uno musi 25 Gumiguru.

Panyanya yevanhu vakavakira panzvimbo dzisingabvumidzwe nemitemo yenyika, VaChinamasa vati bato ravo riri kukurudzira kuti varidzi vedzimba vakurukurwe navo, dzimba idzi dzobviswa asi varidzi vachizobhadharwa nehurumende.

VaChinamasa vatiwo vakatengesera vanhu dzimba panzvimbo dzisingafanirwe kuvakwa vanofanirwa kubatwa nemutemo votongwa.

VaChinamasa vatiwo kune vanhu vanosvibisa zita rebato ravo vachitengesa pekugara zvisiri pamutemo vakakurudzira mapurisa kuti asunge vanhu vese vanoita izvi vachishandisa zita reZanu PF.

Izvi zvatsigirwawo nemukuru wesangano reHarare Residents Trust , VaPrecious Shumba, avo vatiwo zvakakosha kuendesa kumatare vaitengesera vanhu pekugara zvisiri pamutemo.

Asi panyaya iyi, VaHlatywayo vati Zanu PF ndiyo inozibikanwa nekugarisa vanhu panzvimbo dzisiri pamutemo senzira yekutsvaga rutsigiro munguva dzesarudzo.

Vamwe vevakagara panzvimbo idzi zvisiri pamutemo kuChitungwiza vakatotanga kuputsirwa dzimba dzavo, izvo zviri kutarisirwa kuitikawo muguta reHarare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG