Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoita Sarudzo Dzayo dzePrimaries neChishanu


Mike Bimha Industry Minister
Mike Bimha Industry Minister

Zanu PF haina kuzoita sarudzo dzayo nhasi dzekutsvaga vanhu vachamirira bato iri m,usarudzo dzichaitwa muna Kurume, ichiti dzava kuitwa mangwana, Chishanu.

Mugwaro ravakabudisa nezuro manheru kuvatori venhau, murongi wemisangano muZanu PF, VaMike Bimha, vakati nhengo dzedare rePolitiburo ndidzo dzichange dzichitungamira sarudzo mumatunhu ese uye nhengo dzeCentral Committee ndidzo dzichange dzichifambisa sarudzo mumatunhu ese.

VaZiyambi Ziyambi ndivo vachange vachitungamira sarudzo muHarare uye VaDouglas Mahiya ndivo vachange vachitungamira sarudzo kuBulawayo. Harare neBulawayo dzidzo dzinhe nzvimbo dzakawanda dzichaitwa sarudzo.

Imwe nhengo muchikamu chevechidiki muZanu PF mudunhu reHarare, VaPeter Matangi, vaudza Studio 7 kuti hurongwa huri kuitwa nebato ravo hunoratidza kuti bato ravo rinoda kuti vanhu vasarudze vatungamiriri vavanoda.

VaMatangi vati kunyange hazvo bato ravo range riri kukundwa nebato guru rinopikisa munyika, vanotarisira kuti Zanu PF ichakunda mumadhorobha musarudzo dzichaitwa musi wa26 Kurume nekuti MDC iri kutadza kuita basa mumadhorobha.

Vati hurumende yabato ravo yave kugadzirisa migwagwa mumaguta izvo zviri kutadzwa nebato rinopikisa.

Hatina kukwanisa kubata VaBimha kuti tipihwe mazita evanhu vari kupinda musarudzo dzemaprimaries idzi kana vakarambidzwa kupinda musarudzo.

Asi dunhu reMidlands rakarambidza muzukuru wevaimbova gurukota revasori, VaOwen Mudha Ncube, VaEnergy Ncube pamwe naVaKandros Mugaba kupinda musarudzo dzichaitwa kuKwekwe Central.

Zanu PF inoti kuMasvingo yagadzirira sarudzo idzi uye yakatoita maprimaries kare kuChivi South neMwenezi East.

Dunhu reHarare ndiro rine nzvimbo dzakawanda dzichaitwa sarudzo mukanzuru nemuparamende.

Mune maWard anodarika makumi maviri achaitwa sarudzo uye maConstituency achaitwa sarudzo anosanganisira Glen Norah, Mufakose, Epworth, Kuwadzana neKuwadzana East, Highfield East neHighfield West.

Kunyange hazvo Zanu PF ichiti ichakunda musarudzo dzemaBy-election, vanoongorora zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paAfrica University, Dr Wellingto Gadzikwa vanoti havaoni Zanu PF ichikunda musarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG