Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa CheZimbabwe Chiri kuSouth Africa Chobatsira Vanotambura KuZimbabwe


Mbatya dzakaunganidzwa nesangano reGive A Smile Foundation dzichigoverwa kune vanoda rubatsiro.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara nekushanda muSouth Africa, VaRonnie Muripa, vakatanga sangano rinobatsira vanotambura rinonzi Give A Smile Foundation rinotsvaka nekuunganidza mbatya, shangu, zvekudya pamwe nezvimwe zvingabatsira vanotambura.

VaMuripa, avo vane makore makumi maviri nematanhatu ekuberekwa, vanoti vanotenda zvikuru nhengo dzekereke yavo yeMeyerton Methodist Church dzavanopinda nadzoo chech, zvikuru Mufundisi Rhodes naMufundisi Theuns Tromp.

Vanoti vafundisi vaviri ava, vachishanda pamwe nenhengo dzechechi yavo, vanotungamira mukutsvagwa kwerubatsiro uye vari kuramba vachvatsigira, izvo vanoti zvaita kuti basa iri rikure zvikuru zvekuti vachatotsvaga vamwe vanhu vanovabatsira.

“Kusvika pari zvino, takwanisa kubatsira hama neshamwari. Svondo rapera takaenda kuZimbabwe; tange tine mbatya dzatakaenda nadzo pamwe chete nechikafu nezvekutambisa kwevana zvatakasiyako,” VaMuripa vanodaro.

Vawedzera vachiti, “Shuviro yedu ndeyekuenda mberi tikwanise kubatsira nekubhadhara mari yechikoro, kuchengeta nherera; kuchengeta chirikadzi, vakwegura, vakaremara. Asi pari zvino, tiri kungoshanda nezvatiinazvo.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe wevakuru vekereke inopinda VaMuripa yeMeyerton Methodist Church, Mufundisi Theuns Tromp, vaudza Studio 7 kuti ivo nevatendi vavo vanonzwa kukomborerwa kukuru nekuziva kuti vatendi vavo vari kushanda vachibatsira VaMuripa muchiitiko ichi.

Mufundisi Tromp vati vanotenda VaMuripa nekutanga chirongwa ichi vachiti zvinobatsira vatendi vavo kuti vaone kuti kuitira vanotambura zvakanaka hakuremi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG