Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeKereke yeRoman Catholic Dzinoumba Sangano reMhuri Sande Zimbabwe Stewardship Association


Misa yeRoman Catholic Church
Misa yeRoman Catholic Church

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinove nhengo dzekereke yeRoman Catholic Church zviri kunze kwenyika nezviri munyika zvakaumba sangano reMhuri Sande Zimbabwe Stewardship Association, iro rakanangana nekuunganidza rubatsiro rwakasiyanasiyana rwekubatsira vari kumusha.

Imwe nhengo yesangano iri, Father Tafadzwa Kushamba, vanoti chinangwa chavo ndechekuendesa mberi pamwe nekutsigira mabasa ekubatsira agara achiitwa nekereke yavo kumusha.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nhengo yeMhuri Sande Zimbabwe Stewardship Association, Dr. Maria Mupanomunda, avo vanotiwo chirongwa chavo ichi hachisarudze kana kutarisa kuti ari kuda rubatsiro anopinda kereke yavo here kana kuti kwete.

Father Kushamba vanoti seMhuri Sande, vakaona zvakakosha kuti vaungane pamwe vachibatanidza zvipo zvavakapiwa naMusiki kuitira kuti zvibatsirewo vamwe.

Kereke yeRoman Catholic Church inobatsira vanhu vakawanda kumusha kuburikidza nenzira dzakasiyanasiyana dzinosanganisira muzvipatara, muzvikoro, pamwe nemamwe mabasa ainoita.

Hurukuro naFather Tafadzwa Kushamba pamwe naDr. Maria Mupanomunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG