Accessibility links

Breaking News

Tsaona dzeMumigwagwa Dzotora Hupenyu hweVanhu Vakawanda Munguva yeZororo


Njodzi dzemumigwagwa dzawedzera paKisimisi yegore rino.

Sangano rakazvimiririra richiona nezvekufamba zvakanaka kwedzimotokari zvisina njodzi mumigwagwa, re Traffic Safety Council of Zimbabwe, rinoti harisi kufara nehuwandu hwevanhu vafa munjodzi dzemumigwagwa panguva yezororo rekisimisi.

Mutauriri wesangano iri, VaTatenda Chinoda, vanoti kutanga musi waZvita 12, 2017, vanhu zana negumi nevaviri vafa munjodzi dzemotokari asi pachine mazuva gumi nemapfumbamwe asara zororo kuti ripere.

"Kubva musi wa 15 December kusvika musi wa 26 December 2017 rinonzi Boxing Day, pafa vanhu vanoita zana negumi nevaviri asi gore rapera munguva imwe chete iyi pakafa vanhu makumi matanhatu nevatanhatu," VaChinoda vaudza Studio7.

"Kufa kwakaita vanhu kunofanira kutibata tose," vadaro VaChinoda.

VaChinoda vanoti nguva zhinji vatyairi ndivo vane mhosva mukufa kwevanhu munjodzi dzemimigwagwa nekuti vanofarisa uye vamwe havana magwaro ekutyaira mota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG