Accessibility links

Breaking News

Kuwanda kweMapurisa Mumigwagwa Kwodzosera Shure Hupfumi


Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yekuwanda kwema roadblocks mumigwagwa yeZimbabwe yave kukonzera kuti nyika irasikirwe nemari zhinji.

Mamwe makurukota ehurumende ari kuti ma road blocks aya anofanira kuti aderedzwe asi zvinenge zvokona n’anga murapwa achida.

Bazi rinoona nezvemitengo nemamiriro ehupfumi reZimstats rinoti vashanyi munyika yeZimbabwe vanoti nyaya yema road blocks inyaya inoita kuti vabude muZimbabwe vaine kugunun’una kwakanyanya.

Muongororo yakaitwa neZIMSTATS ichitaura nevashanyi vanenge vodzokera kumisha yavo inonzi ZimStats 2015-16 Visitors Exit Survey, zvakabuda pachena kuti kunyangwe vashanyi vakawanda vaida kudzoka kuzoshanyazve Zimbabwe vaisafara nenyaya yekudhura kwezvinhu, kushungurudzwa nemapurisa mumigwagwa uye kuparara kwezvivakwa zvenyika.

Gurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika VaWalter Mzembi vanoti mapurisa anofanira kudzikisa huwandu hwemaroadblocks mumigwagwa sezvo zviri kukanganisa kushanyirwa kwenyika.

Ko chii chinopa kuti mapurisa aite mavhu nemarara mumigwagwa? Vaimbova gurukota rezvehupfumi uye vachitungamira bato rePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti inyaya yehuwori.

Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, vakaudza komiti yeparamende inoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika kuti huwandu hwema road blocks hausi kuzoderedzwa kunyangwe vakatenda kuti pane mamwe mapurisa anoita zvehuwori.

Asi VaChihuri vanotiwo vamwe vedzimotokari ndivo vanoda kupa mapurisa chiokomuhomwe.

Aya mashoko anombotaurwawo nemutauriri wemapurisa Chief Superintendent Paul Nyathi.

VaBiti vanoti imwe nyaya iri kunetsa ndeyekuti mapurisa haasi kuendesa mari inobhadharwa venahu kuhomwe yehurumende sezvinodiwa nebumbiro remutemo.

Asi VaChihuri vakaudza dare reparamende kuti mari yose yemapurisa inoendeswa kuhomwe yemari iri kuReserve Bank of Zimbabwe.

Vemabhizimi vanoti nyaya yekuwanda kwemapurisa mumigwagwa yave kudzosera basa kumashure zvakanyanya.

Gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika VaIgnatious Chombo vakati vaizotaurira mapurisa kuti aderedze huwandu hwema roadblocks kuita imwe pamakiromita gumi.

Mukuru weHospitality Association of Zimbabwe, VaGeorge Manyumwa, vanoti mapurisa anofanira kuterera kurudziro yaVaChombo.

Asi vakawanda vanoti hapana ari kuterera mashoko aVaChombo uye pamakiromita gumi acho pane maroadblocks anodarika mashanu.

Vaimbotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce uye vari muzvinabhizimisi, VaLuxon Zembe, vanoti kuita bhizimisi munyika kuri kukanganiswa zvikuru nemapurisa akazara mumigwagwa.

VaZembe vanoti havo hapana chakaipa kuti mapurisa aite maroadlocks ekuchengetedza nyika sezvaiitwa kare. Asi vanoti zverwendo rwuno zvinokunda ngoma kurira.

Vamwe vanhu vari kushaiswawo chekubata nenyaya yekushomeka kwevashanyi ndevaya vanotengesa zvivezwa nezvimwe mumigwagwa avo vanoti bhizimisi raderera zvakanyanya.

Makurukota ehurumende anonzi ave mubishi kuti azeye kuti dambudziko iri roitwa sei sezvo mumigwagwa mave kuita semakaberekera ingwe.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika dzinoti ma roadblocks ari muZimbabwe anoonekwa munyika dzine hondo chete.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG