Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashanu Vanofa Munjodzi yeMumugwagwa kuMashonaland West


Paul Nyathi - Police spokesman

Vanhu vashanu kusanganisira mudzimai akazvitakura vakafa neChitatu manheru mutsaona yakaitikira paBuffalo Downs kuMashonaland West.

Vashanu ava vainge vachibva kuchipatara chemuKaroi vari mumotokari
inotakura verwere vachienda kuchipatara chikuru chemuChinhoyi sezvo
vaviri vavo vanga varwarisa.

Vanhu vana vanoti, mutyairi wemota inotakura varwere, mukoti nevarwere
vaviri vakafira panzvimbo yakaitikira tsaona iyi.

Asi mudzimai ainge akazvitakura akazofa ave kuendeswa kuHarare kunorapwa maronda ekukuvara.

Zvinonzi motokari inotakura varwere yakabonderana negonyeti.

Mutauri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vabvuma kuti ichokwadi kuti vanhu vafa vave vashanu.

Asi vati havasati vave kuzivisa veruzhinji mazita evanhu vafa sezvo
hama dzavo dzepedyo dzisati dzaziviswa.

Mune imwewo nyaya, kanzuru yeChinhoyi inoti iri kushushikana zvikuru nekuparadzwa kuri kuitwa midziyo nezvivakwa zvekanzuru izvo zviri kuita kuti kanzuru irasikirwe nezviuru zvemadhora.

Mutauriri wekanzuru, VaTichaona Mlauzi, vakaudza vatori venhau marimwe zuro kuti vamwe vanhu vari kuboora pombi dzemvura kuti vawane mvura vasingabhadhare.

Asi vakati chave kunyanya kuvanetsa ndechekuti vamwe vagari
vave kuboora pombi dzinofambisa tsvina vachitora mvura yacho
kudiridzisa magadheni avo, izvo zvinokonzeresa zvirwere

VaMlauzi vakati kanzuru yavo yava kudzidzisa vagari kukosha kwekuraswa kwetsvina zvakanaka senzira yekuderedza dambudziko rekuparadzwa kwepombi dzetsvina.

Mumiriri weChinhoyi muparamende, Dr Matarutse, vanoti dambudziko rekuputika kwepombi dzetsvina rinowedzera zvirwere zvemanyoka muguta.

Dr Matarutse vanoti kanzuru inofanirwa kutaura kubazi rinoona
nezvematunhu kuitira kuti iyamurwe nehurume.

Kanzuru inoti iri kurasikirwa nemari yemunyika inodarika mazana mapfumbamwe ezviuru zvemadhora emunyika, iyo inogona kunge ichishandiswa pakuchenesa mvura kunoda mamiriyoni maviri emadhora emunyika mwedzi wega wega.

Kanzuru iyi inotiwo iri kugara yakabirwa ma transformer emvura ayo anodhura zvikuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG