Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Inobata Vanhu Vanodarika Zviuru Zvina neMazana Masere


Vanhu varikubatwa ne coronavirus vari kuwanda muZimbabwe
Vanhu varikubatwa ne coronavirus vari kuwanda muZimbabwe

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vakanga vabatwa nechirwere che Covid-19 munyika vaive vasvika pazviuru zvina nemazana masere negumi nevasere, kana kuti 4 818.

Vanhu vafa nechirwere cheCovid-19 munyika yose vachiri zana nevana kana kuti 104, uye vapona vasvika kuchiuru nemazana mashanu nemakumi mana nevana, kana kuti 1 544.

Vanhu vanoita makumi manomwe, kana kuti 70, ndivo vakawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu chiuru nemazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevashanu, kana kuti 1 795 vakavhenekwa pachishandiswa nzira ye Polymerase Chain Reaction kana kuti PCR.

Vanhu vose vakawanikwa vaine chirwere ichi ndevaya vagara vari munyika vasina nhoroondo yekubuda kunze. Nhepfenyuro yeZBC yakazivisawo nezuro kuburikidza nedandemutande reTwitter kuti vashandi vayo makumi matatau vakabatwa ne Covid-19. Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZBC pamusoro pevanhu vakabatwa neCovid-19 ava.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano vari chiremba, Doctor Gilson Mandigo, vanoti vari kuona kuti pave nemusiyano mukuru pahuwandu hwevanhu vave kubatwa nekushaya nechirwere ichi, zvichienzaniswa nepakatanga chirwere ichi kuwanikwa munyika sezvo vanhu vave kuwanikwa vaine chirwere ichi vari vanhu vagara vari munyika, kwete vari kubva kunze kwenyika.

Doctor Mandigo vanoti zvinoratidza kuti vanhu vanofanirwa kusimbisa nyaya dzekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG