Accessibility links

Breaking News

Masangano Anorwira Kodzero Oshushikana neHurongwa hweKuvandudza Bumbiro reMitemo yeNyika


Tawanda Chimhini
Tawanda Chimhini

Sangano reElection Resource Center rinoti riri kushushukana zvikuru nekuda kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika risati ratevedzwa zvakazara kubva zvaratanga kushanda muna 2013.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, mukuru weElection Resource Center, VaTawanda Chimhini, vati zvange zvakakosha kuti hurumende itange yatevedza bumbiro remitemo yenyika zvakazara, isati yatanga hurongwa hwekurivandudza.

VaChimhini vatiwo vanokatyamadzwa kuti zviri kuda kusandurwa mubumbiro remitemo yenyika hazvinei nenyaya yakakosha yekuvandudza hutongi hwejekerere.

VaChimhini vatiwo chakakosha parizvino kugadzirisa zvakanzi zvigadziriswe nevaongorori vesarudzo dzakaitwa muna 2018 kuitira kuti zvibatsire panozoitwa sarudzo dza 2023.

Mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa munyika, VaLuke Tamborinyoka, vashorawo zvikuru kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika risati ratevedzwa zvakazara.

Mukokeri weZanu PF muparamende uye vari munyori anoona nezvevechidiki muZanu PF, VaPupurai Togarepi, vati sevamiriri vevanhu vari kugadzirisa pavanoona kuti pane dambudziko kana pane zvavanoona zvisina kunakira vana veZimbabwe.

Hurumende yakatozivisa musi wa 31 Zvita zviri pamutemo nezvehurongwa hwayo hwekuda kuvandudza bumbiro remitemo yenyika.

Hurumende iri kuda kuvandudza bumbiro remitemo kuitira kuti munhu anenge achida kukwikwidza musarudzo yemutungamiri wenyika, asamanikidzwe kudoma mutevedzeri wake waanozotsvaga naye rutsigiro, pamwe nekuwedzera makore ekushanda kwevatongi vematare vasati vaenda pamudyandigere.

Gwaro ravabuditswa Zimbabwe Election Support Network rinotiwo zviri kuda kuvandudzwa nehurumende zvinodzosera nyika shure, uye hazviremekedzi zvido zvevanhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG