Accessibility links

Breaking News

ZimRights Yoendesa Hurumende kuMatare Ichida Kuti Pajekeswe Hurongwa hweKurwisa Covid-19


Zimbabwe Human Rights Association (ZIMRIGHTS)
Zimbabwe Human Rights Association (ZIMRIGHTS)

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu munyika reZimbabwe Human Rights
Association, ZimRights, raendesa hurumende kudare repamusoro kuitira kuti imanikidzwe kuzivisa veruzhinji hurongwa hwekubayiwa kwenhomba yeCovid-19 munyika yose.

Mukuru weZimRights, VaDzikamai Bere, vanoti vakafunga zvekutora danho rekuendesa hurumende kumatare edzimhosva sezvo veruzhinji vasiri kuziva
nezvehurongwa hwehurumende.

VaBere vanoti ibasa rehurumende kuti vanhu vawane zvose zvinoita kuti
vave nehutano hwakanaka pamwe nekudzivirirwa kwezvirwere zvinogona
kuvauraya.

Patabvunza kuti vave papi nenyaya yavakanyorera hurumende svondo
rapera mutauriri weZimbabwe Lawyers fir Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti havana mhinduro yavakawana nokudaro magweta avo azoyamura sangano reZimRights kuti risvitse nyaya iyi kumatare edzimhosva.

VaMafunda vanoti svondo rakapera vakangonyora tsamba kuhurumende kuti izivise vanhu nezvechirwere cheCovid-19 uye kuti ndeapi matanho airi kutora kuzivisa veruzhinji nemitauro yavanonzwisisa.

Zimbabwe iri kuwana mushonga wenhomba kubva kuChina iyo inoti
mushonga uri kuuya muno wavepo wangomirira kutumirwa kuno.

Mimwe mishonga ichapihwa Zimbabwe pasi pechirongwa cheCOVAX iyo ichaona vanoshaya mamiriyoni matanhatu vachibayiwa nhomba iyi.

Dzimwe nyika dzakaita seKenya, Botswana, Ghana, Rwanda neSouth Africa dzakatozivisa nhomba dzadzakatenga pamwe nemari dzadzakachengetera kutenga nhomba yechirwere cheCovid-19.

Asi Zimbabwe, kuburikidza nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, ichatengawo mishona nemari inoita zana remamiriyoni emadhora, kunyange hazvo paine mutauro wekuti hurumende haisati yapihwa mvumo yekushandisa mari iyi kutenga nhomba sezvo pasina mari yekuita izvi mubhajeti rayo ra 2021.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG