Accessibility links

Breaking News

ZLHR Yoendesa Hurumende kuMatare eDzimhosva


zlhr
zlhr

Rimwe sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu rinoti raenda kumatare zvechimbi chimbi richikumbira matare aya kuti amise mapurisa nemauto kuvhiringidza kwaari kuita magweta esangano iri ayo ari kubatsira vanhu vari kusunga zvichitevera mhirizhonga iri kuitika munyika.

Zimbabwe Lawyers for Human Rights inoti inoda kuti dare redzimhosva repamusoro soro riudze mapurisa kuti asatadzise magweta esangano iri kuita basa rawo rekumirira vanhu vari kusungwa nemapurisa mumhirizhonga iri kuitika muZimbabwe.

Sangano iri rinoti nhengo dzaro dziri kubatsira vasungwa munzvimbo dzinoti Bulawayo, Kadoma, Harare. Masvingo nedzimwe zvichitevera kusungwa kwavo kwakatanga neMuvhuro apo sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rakaronga kuratidzira kune mutsindo richitsigirwa nemamwe masangano akazvimirira.

Mutauriri wesangano iri, VaKumbirai Mafunda, vanoti sangano ravo riri kushushikana zvikuru nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu nemapurisa pamwe nemauto.

VaMafunda vanoti vari kunzwa zvakare kushushikana nekuvharwa kwaitwa masai sai eindaneti izvo zvava kutyorera vanhu kodzero dzekuwana mashoko pamwe nekuziva zviri kuitika munyika.

Vanhu vemuZimbabwe vakatanga kuratidzira neMuvhuro vachiti zvinhu zvizhinji zvava nemitengo iri pamusoro soro zvichitevera kuwedzerwa kwemafuta neMugovera wapfuura.

Vanhu vanodarika gumi vanonzi vakapfurwa vakafa mumhirizhonga iri kuitika. Asi Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, kuti tinzwe huwandu hwevanhu vafa kusvika pari zvino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG