Accessibility links

Breaking News

Magweta aChin'ono naVaNgarivhume Odzokera Zvakare kuMatare


Zimbabwe Lawyers

Magweta ari kumirira mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, pamwe nemutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, anoti ari kudzokera zvakare kumatare nemusi weChitatu.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti richakumbira matare nemusi weChitatu kuti ape vaviri ava mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Vaviri ava vakanyimwa nedare repamusoro mukana wekubvisa mari yechibatiso svondo rino.

Asi mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti magweta ari kudzokera kumatare sezvo pane zvinhu zvashanduka kubva pakasungwa vaviri ava.

VaMafunda vanoti nyaya yekukurudzira kuratidzira musi wa 31 Chukunguru haichave ingarambe vaviri ava vari muhusungwa nokuti zuva iri rakapfuura, uye hapana mhirizhonga yakaitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG