Accessibility links

Breaking News

Shamwari Dzorangarira VaWellington Zindove


Wellington Zindove Remembered2

Vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevezvematongerwo enyika vaonekana nemutumbi wemumwe wavo airwira kodzero dzevanhu, VaWellington Zindove, avo vakashaya mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Vachitaura pamunamato waitwa pamba paVaZindove avo vakashaya neChitatu, mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati zvinosuwisa kuti VaZindove vashaya nechirwere chegomarara icho vati chave kupedza nyika sezvo muzvipatara musina nyanzvi kana mishonga yechirwere ichi.

Dewa Mavhinga, senior Africa researcher at Human Rights Watch. (Sebastian Mhofu/VOA)
Dewa Mavhinga, senior Africa researcher at Human Rights Watch. (Sebastian Mhofu/VOA)

Chiremba zvakare vari mumwe akamboshanda naVaZindove, Va Edgar Munatsi, vati vachirwere chegomarara chiri kuwanda munyika uye hurumende inofanira kutora matanho ekuona kuti vanhu vaziva nezvechirwere ichi nekukasika.

Zindove 3
Zindove 3

Muzvare Gladys Hlatshwayo avo vakashanda naVaZindove kumasangano akaita seZimbabwe National Students Union, neCrisis in Zimbabwe Coalition, vati vasuwa zvikuru nekushaya kwaVaZindove.

VaProsper Tiringindi ndemumwe wevechidiki vakabatsirikana nezvirongwa zvaiitwa nesangano raVaZindove, reYouth Forum.

Munyori muMDC-T inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaNIxon Nyikadzino, vati VaZindove munhu afa achirwira kuona kuti Zimbabwe yawana hutongo hwejekerere.

Mutauriri webato reNational Consititutional Assembly, VaMadock Chivasa, vatiwo nyika yarasikirwa nemuhunhu airwira kodzero dzevanhu pamwe nehutongi hwejekere.

Sangano raVaZindove reYouth Forum rinodzisisa vechidiki raramo yakanaka munyaya dzematongerwo enyika, hutano, tsika nezvimwe uye VaZindove vange vave nenguva yakareba vachitungamira sangano iri.

VaZindove vasiya mudzimai nevana vatatu uye vacharadzikwa neMugovera mumusha wekwa Zindove kuBikita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG