Accessibility links

Breaking News

Komisheni yeHurumende Inoudza Hurumende Kuti Ichengetedze Kodzero dzeVanhu Vose Munyika


Zimbabwe Human Rights Commission Masvingo
Zimbabwe Human Rights Commission Masvingo

Zvichitevera kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitika munyika, sangano reZimbabwe Human Rights Commission rinoti hurumende yeZimbabwe inofanirwa kuchengetedza kodzero dzemunhu wese munyika sezvinodiwa nebumbiro remitemo yenyika.

Mumashoko avaburitsa, munyori kuru weZimbabwe Human Rights Commission, Amai Delis Mazambani, vati kunyange hazvo kuine denda reCovid-19 munyika, zvakakosha kuti hurumende iremekedze kodzero dzevanhu sezvinodiwa nebumbiro remitemo pamwe nezviga zvakaita seUniversal Declaration of Human Rights pamwe neInternational Covenant on Civil and Political Rights.

Komisheni iyi iri kukurudzirawo vemapato ezvematongerwo enyika kuti asaite kana kutaura zvinowedzera kana kukonzera kutyorwa kwekodzero dzevanhu asi kuti munyika muve nerunyararo vanhu vachigara zvakanaka sezvinodiwa pasi pebumbiro remitemo yenyika.

Zimbabwe Human Rights Commission yatiwo veruzhinji pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vanofanira kunakidzwa nekodzero dzavo vasingabatsire kuparadzira hutachiwana hweCoronavirus pamwe nekutaura manyepo pamusoro pedenda iri.

Mukuru werimwe remasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika reZimbabwe Human Rights NGO Forum, Dr Musa Kika, vati hakazi kekutanga Zimbabwe Human Rights Commission ichiburitsa mashoko akaita seayaburitswa nhasi vachiti zvakakosha kuti hurumende iterere nekugadzirisa zviri kunetsa.

Vatiwo kunyange hurumende ikasaterera, vana veZimbabwe vanofanira kuramba vachitaura matambudziko avo vachiti kutaurwa kwave kuitwa nyaya yeZimbabwe kunze kwenyika kunoratidza kuti pane vari kuteerera zviri kuitika munyika.

Gurukota rinoona nzvemutemo, VaZiyambi Ziyambi, vati kunyange hazvo vange vasati vaona gwaro reZimbabwe Human Rights Commission, panoitika denda rakaita seCovid pane dzimwe kodzero dzinombomiswa ndosaka hurumende yakatora matanho ekumbhovhara nyika pasi pemitemo Covid-19 National Lockdown Regulations

Vatiwo vanhu vanofanira kutaura chokwadi pamusoro penyika yavo uye vanhu vane mhosva vanofanira kupedzerana nematare kwete kuda kuti hurumende ipindire panyaya idzi.

Zimbabwee Human Rights Commission inoti nzira dziri kuwanzoshandiswa pakutyora kodzero dzevanhu dzinosanganinisira, kunyombwa, kusungirwa mhosva dzisina maturo kana dzemanyepo, kunyangariswa pamwe nekurambidzwa kutaura, kuratidzira kana kuita misangano pamadiro.

Zvichakadai mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, apinda muzuva rechipiri achipa humbowo hwemaririro akaita zvinhu kumajeri pachikumbiro chake chekuti atonngwe achibva kumba panyaya yaari kupomerwa yekukurudzira kutti vanhu varatidzire zvine mhirizhonga mwedzi wapfuura.

Chin’ono achaenderera mberi achipa humbowo neChina.

Nyaya iyi iri kunzikwa mudare mune magweta, vachuchusi nemutongi chete zvichitevera chkiumbiro chakaitwa nevachuchusi kuti veruzhinji nevatori venhau vasabvumidzwe sezvo Chin’ono achikwanisa kutaura zvinhu zvinozopa kuti mumajeri musagadzikane.

Chin’ono naVaJacob Ngarivhume vakasungwa musi 20 Chikunguru vachipomerwa mhosva yekukurudzira kuti vanhu varatidzire. Vaviri ava vava nemwedzi vari muhusungwa vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu, mapato anopikisa munyika pamwe nevamwe vedzisvondo vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyikaapo vanhu vanodarika makumi matanhatu vakasungwa pamusoro pekuratidzra kwainge kwarongwa musi wa31 Chikunguru nesangano reJuly 31st Movement..

Masangano eSADC, African Union pamwe neUnited Nations anotiwo haasiri kufara nemabatirwo ari kuitwa kodzero dzevanhu muZimbabwe nehurumendev yaVaEmmerson Mnangagwa.

South Africa yakatodoma nhume dzichabatsira kugadzirisa zviri kunetsa muZimbabwe, idzo dzaifanirwa kunge dzakasangana naVaMnangagwa, mapato anopikisa pamwe nemasangano akazvimirira, asi nhumwa idzi dzakadzokera mushure mekunge dzaita musangano naVaMnangagwa dzikazoudza masangano akanga akadzimirira kuti musangano wanga wakarongwa hauchaitwa sezvo nhumwa idzi dzaida kutanga dzataura nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG