Accessibility links

Breaking News

Masangano Oshora Zvikuru Kutochwa Kwakaitwa Gonyeti neChitatu Manheru


Gonyeti Samatha Kureya2
Gonyeti Samatha Kureya2

Masangano anorwira kodzero dzevanhu neveruzhinji vari kushushikana zvikuru nekupambwa pamwe nekushungurudzwa kwemutambi wemutambo wepazvivhiti vhiti wekambani yeBusStop TV, Samantha Kureya, kana kuti Gonyeti, uyo akarohwa kumba kwake nezuro manheru akanosiyiwa kuNorton arohwa pamwe nekubvisa zvipfeko zvake.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa- Zimbabwe, iro riri kubatsira Gonyeti nekumurapisa nezvimwe, VaTabani Moyo, vaudza Studio7 kuti Gonyeti akasvikirwa nevanhu vaive nepfuti vakapaza gonhi repamba pake akapambwa nevanhu vainge vakavhara zviso zvavo.

VaMoyo vati Gonyeti nehanzvadzi yake vakarohwa zvakaipisisa akabviswa mbatya pamwe nekumwisa mvura ine seweji nevanhu vakamupamba.

Izvi zvinonzi zvakaitika panguva dzema10 manheru uye Gonyeti akazonotorwa nemapurisa ekuMarimba Police Station.

VaMoyo vatiwo chave kutyisa ndechekuti vamwe vashandi veBuStop TV vakasvikirwawo nevanhu vakaita sevakapamba Samantha.

Mukuru wesangano reZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vati varwadziwa chose nekupambwa kwaGonyeti uye vati chinotyisa ndechekuti izvi zviri kuitika apo paine kupambwa kwevanhu vakawanda munyika zvikuru sei vemapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.

Vati Gonyeti haana njodzi yaanokonzera kuhurumende uye hapana chikonzero chaangapambirwe pamwe vnekumbunyikidzwa.

Vaenderera mberi vachiti Gonyeti nevamwe vake vari kuita basa uye vanoita basa guru rekufadza vanhu vari kutambura munyika

Muzvare Mukoko vati masangano avo achaenderera mberi achitaura zvese zvakaipa zvinotika munyika uye hurumende inofanira kuona kuti vaita basa ravo pasina kushungurudzwa.

Mumwe akamboshanda naGonyeti makore maviri apfuura, Godknows Homwe, audza Studio 7 kuti ashushikana zvikuru paanzwa nyaya yekupambwa kwaGonyeti.

Murairidzi wezvidzidzo zvekupwa kwenhau paChinhoyi University of Technology, Dr Ted Mungwari, vatiwo zviri kuitika zvinokanganisa chimiro chehurumende uye inofanira kuona kuti vese vari kuita izvi vasungwa.

VaMoyo vatiwo hurumende nemapurisa vane basa rekuchengetedza vanhu, uye tariro yavo ndeyekuti mapurisa asunge nhubu dziri kushungurudza vanhu idzi.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio7 kuti Gonyeti nehanzvadzi yake vakamhan’ara nyaya yavo kumapurisa uye mapurisa ave kuferefeta nyaya iyi.

VaNyati vese vanenge vaine nyaya dzavo kana vanenge vatadzirwa ngavamhan’are nyaya dzavo kuti dziongororwe.

Gonyeti akasungwa nemapurisa gore rapfuura mushure mekunge aburitsa mutambo wairatidza kushungurudzwa kunoitwa vanhu nemapurisa uye MISA - Zimbabwe inoti inoona sekuti izvi ndizvo zviri kuramba zvichiita kuti ashungurudzwe sesvo achiramba achiburitsa mitambo yakadai.

Kupambwa kwaGonyeti kunotevera kupambwa kwaVaTatenda Mombeyarara muHarare vakarohwa zvakaipisisa zvekuti vachiri muchipatara.

Nhengo dzebato rinopikisa dzeMDC dzakawanda kusanganisira mutevedzeri wameya weguta reBulawayo dzakapambwawo nevanhu vasingazivikanwe kuti ndivanani mukati memazuva mashoma apfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG