Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Vanorangarira Zvakaitika Musi waKurume 11, 2007


Bishop Ancelimo Magaya
Bishop Ancelimo Magaya

Masangano ezvematongerwo enyika, machechi pamwe neanorwira kodzero dzevanhu anoungana muHarare pasi peSave Zimbabwe Campaign achirangarira kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwakaitika muna 2007.

Masangano akawanda arangarira zuva ra11 March 2007 rinova zuva rakaungana zvizvarwa zveZimbabwe nechinangwa chekunamatira nyika, asi musangano uyu ukapedzisira waita mhirizhonga yakakonzerwa nemapurisa ayo akazvindikita vanhu vakawanda pakafa munhu mumwechete, VaGift Tandare vebato reMDC.

Vataura pamusangano uyu vabvumirana kuti zvinhu zvatowedzera kuipa munyika vakati kubatana nenhaurirano ndizvo zvinobudisa Zimbabwe mumatope mairi.

Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, rinova sangangano rakokera musangano uyu, VaRashid Mahiya, vati zuva ranhasi rinoyeuchidza veruzhinji nyaya yekukoshesa kuungana kweveruzhinji nechinangwa chekugadzirisa nyika.

Mukuru weZimbabwe Divine Destiny, Bishop Ancellimo Magaya, vataura vatiwo zvinhu zvatowedzera kuipa pane zvairwirwa neveruzhinji muna 2007

Mutungamiriri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vatiwo zuva ranhasi rinopa veruzhinji mukana wekurangarira rwendo rwafambwa neavo vari kurwira shanduko munyika. VaChamisa vakarurudzira kuti vanhu vabatane mukugadzirisa zviri kunetsa munyika.

Mutungamiriri weZimbabwe Congress of Trade Union, VaPeter Mutasa vatiwo kunyange hazvo zviri pachena kuti hurumende inoshungurudza vese vanosimudza musoro nenyaya dzekusatongwa zvakanaka kwenyika, vati vanhu vakabatana vanokunda.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo tatadza kubata gurukota rezvekubudiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa.

Asi mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanogara vakati munyika hamuna bopoto ririmo.

Vanhu vakarohwa zvakaipisisa musi wa March 11, 2007 vanosanganisira muchakabvu Morgan Tsvangirai, VaLovemore Madhuku, Muzvare Grace Kwinje, Amai Sekai Holland, muchakabvu William Bango nevamwe.

Mune imwewo nyaya, mumiriri weMDC Alliance mudunhu reHarare West mudare reparamende, Muzvare Joana Mamombe nemutevedzeri wasachigaro mubazi revechidiki mubato iri, Muzvare Cecilia Chimbiri, vanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa yekutyora mitemo yeCovid-19 nekuita musangano nevatori venhau panze pedare ramejastiriti muHarare vachinyunyuta nekusungwa kwa VaMakomborero Haruzivishe.

Mutongi wedare ramejasitireti muHarare, Amai Vongai Muchuchuti,vati vaviri ava vanogona kupara dzimwe mhosva kana vakaburitswa muhusungwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG