Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voshora Zvikuru Zvakaitwa neVemajeri Kuna Muzvare Mamombe


MDC Alliance Trio Joana Mamombe
MDC Alliance Trio Joana Mamombe

Zvinonzi vekumajeri nhasi vamanikidza mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe, kuti vabude muchipatara vadzokere kujeri vasati varapwa izvo zviri kushorwa neMDC Alliance pamwe nevemasangano anorwira kodzero dzevanhu.

Munyori anoona nezvakugara zvakanaka kwevanhu muMDC Alliance, Muzvare Maureen Kademaunga, vanoti vashandi vekumajeri vasvika pachipatara change chichirapirwa Muzvare Mamombe pakati pehusiku ndokumanikidza Muzvare Mamombe kuti vadzokere kujeri reChikurubi vasati vapedza kurapwa.

Muzvare Mamombe vanonzi vakatakurwa ndokuendeswa kuchipatara ichi nezuro manheru mushure mekurwara kwavanonzi vari kuita.

Asi vanonzi vakazobviswa muchipatara ichi zvechisimba kunyange hazvo madhokotera akange ati vanga vachifanira kuonekwa nanamazvikokota nhasi mangwanani.

Muzvare Kademaunga vati Muzvare Mamombe vari kunzwa mudumbu asi vabviswa kuchipatara vasiri kuda.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vatsoropodza vekumajeri nezvavaita izvi vachiti zviri pachena kuti vari kushungurudza Muzvare Mamombe vachitumwa nebato reZanu PF.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo.

Asi mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vaudza Studio 7 parunhare kuti havatombozive kuti Muzvare Mamombe ndiyani vakati sebato riri kutonga vane zvakawanda zvavari kuita zvekugadzirisa zvinhu munyika vachiti havana nguva yekuswera vachitamba mahumbwe nevanhu vemapato anopikisa.

Zvichakadai, mutauriri weZimbabwe Prisons and Correctional Services, Amai Meya Khanyezi, vaudza Studio 7 kuti vanga vachiri kumboferefeta kuti chii chaizvo chakanyatsoitika pachipatara apa kuti Muzvare Mamombe vazobviswa vasati varapwa.

Asi pataenda pamhepo vanga vasati vadzoka kwatiri.

Kubviswa kwaMuzvare Mamombe muchipatara vasati varapwa kwashorwawo nesangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch.

Mukuru wesangano iri kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vati zvaitwa nevemajeri izvi zvinotyorwa kodzero dzaMuzvare Mamombe.

Imwe nhengo yeMDC Alliance inogara muHarare West, VaDenford Ngadziore, avo vaimbova kanzura weWard 16 vasati vadzingwa kukanzuru neMDCT yaVaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti vagari vemuHarare West vasara pamhene zvichitevera kugara mujeri kwenguva refu kwaita Muzvare Mamombe.

Hatina kukwanisa kutaura naamai VaMuzvare Mamombe kuti tinzwe kuti mhuri yavo iri kutambira sei kusungwa-sungwa kuri kuitwa Muzvare Mamombe nenyaya dzezvematongerwo enyika.

Muzvare Mamombe nemumwe wavo anove nhengo yekomiti yepamusoro yeboka revechidiki muMDC Alliance, Muzvare Cecelia Chimbiri, vakasungwa mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekunzi vakaita musangano nevatori venhau panze pematare edzimhosva muHarare zvinonzi nehurumende zvaityora mitemo yakadzikwa nehurumende yekuedza kudzivirira kwechirwere cheCovid-19.

Vakazonyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso. Vaviri ava vakatarisana nedzimwe mhosva mumatare dzekunzi ivo pamwe nemumwe wavo uyo asina kusungwa iyezvino, Muzvare Netsai Marova, vakanyepa kuti vakapambwa vakatochwa vari mumawoko ehurumende muna Chivabvu gore rapera uye kuti vakaratidzira zvisiri pamutemo mumusha waWarren Park gore rapera zvakare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG