Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inomutsiridza Humhizha hweKuuchika


FILE - An embryologist works on a petri dish at a London fertility clinic.
FILE - An embryologist works on a petri dish at a London fertility clinic.

Vanhu vari kutadza kuita vana munyika vave kukwanisa kuzoitawo vana zvichetevera kumutsiridzwa kwechirongwa chekubatsira vanhu ava nekutora mazai amai nekuasanganisa nembeu dzababa muLaboratory pasi pehurongwa hunonzi In Vitro Fertilisation, IVR.

Hurongwa hweIVR hwakambomiswa mumakore ekuma 1990 uye chiremba vakabatsira kumutsiridza hurongwa uhu, Doctor Tinovimba Mhlanga, vanoti vakaona zvakakodzera nekuti pane vanhu vakawanda vari kunetsekana kuita vana munyika.

Hapana humbowo muZimbabwe hunoratidza kuti vanhu vakawanda zvakadii vane dambudziko rekuita vana, asi pasi rese, zvikamu gumi kubva muzana zvevanhu zvakatarisana nedambudziko iri.

Doctor Mhlanga vanoti zvinogona kuita kuti makuriro akaita dambudziko iri pasi rose, ndiwo mawandirowo arakaita munyika.

Doctor Mhlanga vanoti pari zvino vari kubatsira kuuchika vachishandisa humhizva hwechizvino zvino vanhu vakaroorana chete uye kutaura kuno pane mwana akazvarwa nenzira iyi muna Kubvumbi ari kurarama zvakanaka chose.

Vanotiwo pane vanhu vanodarika gumi munyika vane pamuviri pari zvino mushure mekushandisa nzira iyi.

Doctor Mhlanga vanoti munhu anotanga aongororwa kuti chii chiri kumutadzisa kuita mwana asati apihwa mushonga wekuti aiite mazai akawanda.

Vanoti kana izvi zvaitika munhu anozoongororwa zvekare uye vanobva vakohwa mazai acho vosanganisa nembeu yababa.

Vanoti kana nhumbu yabata zai radzorerwa muchibereko chaamai, vanoramba vachiongorora munhu kusvika abatsirwa.

Asi vanotiwo vanowana vanhu kubva kune vamwe vana chiremba uye vanodzesera vanhu ava kunana chiremba vavo pavanongobata pamuviri.

Vanoti kazhinji chinowanzo kukanganisa vanhukadzi kubata pamuviri inyaya yekuti machubhu echibereko chavo enenge akavharika kana kutadza kugadzira mazai akawanda kozitiwo nguva zhinji mbeu yababa inenge isina kusimba kana kuti yakasviba.

Nyanzvi dzehutano dzinoti kutadza kusangana zvakanaka kwaamai nababa kunotadzisawo vanhu kuita vana.

Dr Mhlanga vanoti mbeu yababa inotanga yacheneswa isati yasanganiswa nemazai amai uye zvinongona kuti mmbeu iyi ichenurwe kubva kuhutachiwana hwakaita seHIV izvo zvinoita kuti pazvarwe mwana asina chirwere.

Doctor Mhlanga vanoti pane vanhu vakawanda vemarudzi ese vari kuenda kwavari kunobatsirwa.

Doctor Mhlanga vanoti nzira idzi dzinodaidzira mari yakawanda chose zvekuti inogona kusvika kuzviuru zvitatu nemazana mashanu emadhora.

Vanotiwo kunyange hazvo madzimai ariwo anopomerwa mhosva panotadza kubata nhumbu, varume vanoonekwawo vaine dambudziko guru uye nzira yeIVF inobatsira zvese amai kana baba vachinge vaine dambudziko rakadai.

Vanotiwo IVF Zimbabwe iri kuronga kuumba bhanga rekuchengetera mazai amai kubatsira vaye vati chemberei vanenge vachida kuita vana.

Vanotiwo sezvo IVF ichikwanisa kuitwa chete pazvipatara zvepamusoro zvine malabarotories, vari kuronga kusangana nevebazi rezvehutano kuti vafambe munyika vachikohwa mazai ana amai nembeu dzana baba vachizozvisanganisa kuHarare.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nevebazi rezvehutano kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Hatinawo kukwanisa kutaura nevabereki vemwana akazvarwa pachishandiswa nzira yeIVF asi Doctor Mhlanga vanoti mhuri iyi haisi kuda kuzikanzwa zita rayo, uye mwana wacho ari kuita zvakanaka chose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG