Accessibility links

Breaking News

Mutumbi waReverend Mawokomatanda Unosvika kuZimbabwe Uchitarisirwa Kuradzikwa neChishanu


Reverend Doctor Isaac Mapipi Mawokomatanda

Mutumbi waMufundisi Isaac Mapipi Mawokomatanda veUnited Methodist Church, avo vakashaya musi wa 27 Kukadzi kuAtlanta mudunhu reGeorgia muAmerica, wasvika kumusha neChitatu masikati uchizotarisirwa kuradzikwa nemusi weChishanu kumarinda eOld Mutare.

Mutauriri wemhuri, vari mwanakomana waMufundisi Mawokomatanda, VaShongedzai Mawokomatanda, vanoti mutumbi waReverend wakaperekedzwa nemudzimai wavo, Amai Mawokomatanda.

Amai Mawokomatanda vasangana panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport nemwanakomana wavo mukuru, VaSamuel Mawokomatanda, avo vabvawo kuBritain vachienda kumusha kunoradzika baba vavo.

Mutumbi unonzi ucharara kuimba yerunyararo yeNyaradzo Funeral Home muHarare Chitatu neChina, uchizotakurwa mangwanani eChishanu kuenda kwaMutare.

Mukuru wekereke yeUnited Methodist Church, Bishop Eben Kanukayi Nhiwatiwa, ndivo vanotarisirwa kutungamira rusando rwemusi weChishanu.

VaShongedzai Mawokomatanda vanoti semhuri vacharangarira baba vavo kuburikidza nerudo rwavaive narwo kumhuri yavo, vachiti vaive munhu aifarira kubika vachibatsirana nevaroora vavo.

Mufundisi Mawokomatanda vakashaya mushure mekurwara kwenguva ndefu. Vakasiya mudzimai nevana vapfumbamwe, uye vazukuru nevazukurubvi vakawanda.

Mutauriri wemhuri anoti semhuri vakasarudza musi wa 09 Kubvumbi sezuva rekuradzikwa kwavo sezvo riri zuva rakashayawo dangwe ravo, Amai Victoria Mbewe.

Hurukuro naVaShongedzai Mawokomatanda
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG