Accessibility links

Breaking News

Mufundisi Fatima Garikayi Vanotsanangura Kuti Sei Mazuva Ekunamata Achisiyana


Reverend Fatima Garikayi
Reverend Fatima Garikayi

Chii chinoita kuti vamwe vanamate nemusi weSvondo, vamwe nemusi weMugovera, vamwevo vachinamata nemusi weChishanu?

“Mazuva ese akanaka kunamata,” Mufundisi Fatima Garikayi, veUnited Methodist Church, Harare Inner City, vakaudza Studio 7.

Vakati, “Zvinoenderana nekunzwisisa kwavo nekudavira kwavo. Vanonamata nemusi weSvondo, vari kucherechedza zuva rakamuka Jesu Kristu.

Varikupemberera vari kufara kuti Jesu wedu wakamuka musi weSvondo saka tinonamata Jesu mupenyu. Vanonamatavo zuva reSabbath, musi weMugovera, varikudzokera kushoko raMwari nekuti ndiro zuva rakazorora Mwari mushure mekuti vakange vapedza kugadzira zvinhu zvose.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:11:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG