Accessibility links

Breaking News

‘Haisi Nguva Yekutanga Vatendi Vachitadziswa Kunamata’ – Reverend Fatima Garikayi


Reverend Fatima Garikayi veUnited Methodist Church, Inner City, Harare

Vachitaura pamusoro pechirwere cheCoronavirus chirikutadzisa vatendi kuungana pamwe chete, Reverend Garikayi, veUnited Methodist Church (Inner City, Harare), vanoti kubva nekare, vatendi havadzorerwi sure . Vanoti vanonzwisisa kuti vatendi, avo vagara vachida kusangana vachinamata nekurumbidza Mwari vari pamwechete, vari kushungurudzika zvikuru mazuva ano sezvo vasingakwanisi kusangana nevamwe vavo vachirumbidza Mwari. Vanoti zvichapfuura nekuti vatendi havagoni kukundwa. Reverend Garikayi vanoti: “Haisi nguva yekutanga iyi kuti vatendi vatadziswe kuwana nguva yekunge vari kusangana, yekunge vari kunamatira avo vari mudzimba. Haisi nguva yekutanga. Tikatarisa kunyange mushoko raMwari munguva dzino dzekutambudzika kwaJesu (Easter), Mwari vakatiwanira mukana wekuti tipinde mukutambudzika nguva yaJesu achitambudzika. Chiri kunyanya kundifadza ndechokuti takawaniswa nguva yekunamata.” Reverend Garikayi vanoti vatendi havadzorerwi sure, vachiti zvese izvi zvichapfuura sezvakaita zvimwe zvakamboedza kuvhiringa vatendi kubva kare nekare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:12:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG