Accessibility links

Breaking News

Vagari Voshushikana kuMasvingo neMashandiro eHofisi yaMudzviti


Masvingo Elections Report Launch
Masvingo Elections Report Launch

Masangano anorwira kodzero dzevanhu pamwe nemapato anopikisa anoti haasi kufara nekunonoka kuri kuita hurumende kupa vanhu zvitupa kuitira kuti vakwanise kunyoresa kuvhota musarudzo.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu eMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance (MURRA) nere Election Resource Centre (ERC) ari kunyunyutira bazi rinopa zvitupa kuti riri kupa vanhu makumi maviri nevashanu chete pazuva izvo zviri kuita kuti vanhu vazhinji vatadze kunyoresa kuvhota kuitira kuti vazosarudza vatungamiriri vavanoda munguva yesarudzo.

Masangano maviri aya akanyorera tsamba yenyunyuto kubazi rezvitupa
muMasvingo achida kuti huwandu hwevanhu vari kupihwa zvitupa huwedzerwe pazuva.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muMurra, Muzvare Rumbidzai
Magurupira, vati vakanyora tsamba vachida kuti bazi iri rigadzirise huwandu hwevanotora zvitupa pazuva.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa musangano reERC, VaSolomon Bobosibunu, vanoti kupuwa kwezvitupa kuvanhu vashoma kuri kukanganisa kodzero dzevechidiki vanoda kunyoresa kuti vavhote kekutanga pasarudzo dzichaitwa munyika.

Mukuru webazi rezvitupa muMasvingo, Amai Stembeni Chitsa, varamba
kuudza Studio 7 kuti vakatambira here tsamba yenyunyuto yakabva kuMurra neERC vachiti tiise mibvunzo yese muzvinyorwa.

Studio7 yaita saizvozvo, asi Amai Chitsa havana kupindura
panguva yekutepfenyura.

Mutauriri weMDC Alliance muMasvingo, VaDereck Charamba, vanoti
vakagadzirira kupinda musarudzo asi vanonyunyuta nenyaya yezvitupa zvishoma zviri kupiwa vechidiki vanoda kuzovhota kekutanga muhupenyu hwavo.

Vachitaura pamusangano wePolitiburo yeZanu PF nezuro, mutungamiri webato iri, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati bato ravo rinofanirwa kugadzirira kuita sarudzo dze by elections vachitevedza zvinodiwa nebumbiro rebato ravo, uye kutevedza mitemo yeWorld Health Organization.

Zimbabwe Electoral Commission yakabhana kuitwa kwesarudzo dze by elections ichiti yaityira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

MuMasvingo chete mune sarudzo dzeparamende mbiri kuChivi South, kwakadzingwa VaKiller Zivhu, nebato ravo reZanu PF, uye Mwenezi East yaiva naVaJusbee Omar vakashaya gore rapera.

Mudhorobha reMasvingo mune mawadhi mana anofanirwa kuitwa sarudzo
dzekutsviva makanzura akadzingwa neMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora.

Sarudzo idzi dzinofanirwa kuitwawo kumatunhu akawanda munyika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG