Kanzura yeHarare yatanga kubudisa vagari vari mudzimba dzayo vari kutadza kubhadhara dzimba idzi mumisha inogara veruzhinji yakaita seGlen Norah B.
Vagari vanosvika zana vanonzi vakatopiwa matsamba ekuti vabude mudzimba dzekanzuru idzi.
Mumwe mugari akabudiswa mumba yekanzuru nemusi weChitatu, VaVictor Majoni, vati matambudziko avo akatanga pakatanga kanzuru kubhadharisa vagari nemadhora ekuAmerica.
VaMajoni vati kanzuru yakangoisa mari isina kukurukura nevagari, uye vati mari iyi yakavawandira zvakanyanya.
Mumwe mugari, VaJoseph Milanda, vane chikwereti kukanzuru chezviuru zvitatu nemadhora matatu.
VaMilanda vati vari kutadza kubhadhara mari inodiwa nekanzuru sezvo vari kushaya mabasa.
VaMilanda vati vari kushuvira kuti kanzuru ideredze mari yedzimba idzi kuitira kuti vakwanise kubhadhara mari idzi.
Mumwe mudzimai asina kuda kudomwa nezita asi akapiwawo tsamba yekubuda mumba audza Studio7 kuti havana kuendesa vana kuzvikoro nepamusana pedambudziko ravakatarisana naro.
Pamusangano wakaitwa nenhengo dzeHarare Residents Trust nekanzuru munguva shoma yapfuura, mumwe mukuru mukanzuru, VaSaul Marongwe, vakati vagari vazhinji vari kugara mudzimba dzekanzuru havasi kubhadhara mitero kubva zvakakanzurwa zvikwereti nehurumende panguva yegadziriro yesarudzo dza2013.
Mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme, vati ichokwadi kuti kanzuru iri kubudisa vagari vane zvikwereti.
VaChideme vati vagari vanosvika zana vari kuzorasikirwa nepekugara sezvo vanga vasiri kubhadhara mari kukanzuru.
Facebook Forum