Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuHarare neChitungwiza Vopikisa Kuputswa kweZvivakwa Zvavo Zviri Kuda Kuputswa


Demolitions Harare 3

Masangano anomirira vagari mudunhu reHarare Metropolitan ari kupikisa chirongwa chemakunzuru ari mudunhu iri chekuputsa dzimba nemabhizimisi akavakwa panzvimbo dzisingabvumidzwe nemitemo yenyika.

Zvichitevera chiziviso chayakapihwa nehurumende chekuputsa dzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo, kanzuru yeChitungwiza yakazivisa nemusi weChina kuti ichaputsa zviuru nezviuru zvedzimba nemabhizimisi mumisha yakawanda inosanganisira St Marys, Seke, Zengeza nemimwe.

Dzimwe dzedzimba dzichaputswa ndeidzo dzakavakwa panzvimbo dzakaita seMacheke Square kuSt Marys, dzimba dzakavakwa kuseri kweSt Marys Police Station, nedzimba dzakavakwa pamatoro ari pedyo nenzvimbo inovigwa vanhu kuSt Marys kwekare.

Muzvare Alice Khuveya veChitungwiza Residents Trust vaudza Studio 7 kuti vachapikisa zvakasimba hurongwa hwekanzuru vachiti zviri kurongwa izvi hazvisi pamutemo.

Muzvare Kuvheya vati kunyange hazvo kanzuru yavo yakazivisa nzvimbo dzichaputswa dzimba nezuro, kanzuru iyi yakatotanga kuputsa dzimba.

Sachigaro veHarare Metropolitan Residents Forum, VaMarvelous Khumalo, vati vari kupikisa hurongwa kwekanzuru uhwu.

VaKhumalo vatiwo vanoshamisika kuti pave nehurongwa kwekuputsa dzimba asi pane mutongo wakaturwa nedare repamusoro unorambidza kanzuru yeChitungwiza kuputsa dzimba idzi muna 2017.

Kanzuru yeHarare iri kuronga kutanga kuputsa dzimba dzakavakwa panzvimbo dzisingaite nguva pfuti inotevera.

Meya veHarare, VaJacob Mafume, vati vanhu havafaniri kuvaka pese pese zvisina mvumo yekanzuru uye dzimba dzinovakwa pasingakodzeri dzichaputswa.

Dzimba dziri kuputswa ndeidzo dzakavakwa pamatoro, nzvimbo dzaifanira kuvakwa zvikoro machechi nezvimwe, dzimba dzakavakwa pasi petambo dzemagetsi nezvimwe zvakadaro.

Mushandi mukuru wehurumende mudunhu reHarare, Provincial Development Co-ordinatior, VaTafadzwa Muguti, vakaudza makaunzuru eHarare neChitungwiza masvondo maviri apfuura kuti anofanira kuputsa dzimba dzese nemabhizimisi akavakwa panzvimbo dzisingabvumidzwe vachitivanhu havafaniri kungovaka pese pese.

VaMuguti vanoti nyaya yekuvaka pese pese mumaguta inofaniras kupera zvisinei nekuti munhu abobva kubato ripi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG