Accessibility links

Breaking News

Vagari Vodyira Marasha Kanzuru yeHarare


VaPrecious Shumba

Rimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, rinoti rakaendesa nemusi weChipiri gwaro renyunyuto kukanzuru yeguta reHarare pamusoro pemitero ya 2021, iyo rinoti iri pamusoro uye iri kuremera vagari sezvo vachinzi vaibhadhare ichitangira musi wa 01 Ndira 2021.

Gwaro iri, iro rinonzi rakasainwa nevagari vanodarika zviuru zvishanu, avo vari kunyunyuta kuti vazhinji vave kumanikidzwa kubhadhara mari dziri pakati pemadhora emari yekuAmerica makumi mana kuvagari vekumisha yeveruzhinji, nemadhora makumi manomwe kusvika kuzana kuvagarai vari kumisha yevashoma pamwedzi.

Mukuru weHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti mitero iri kubhadhariswa vagari nekanzuru yeHarare haikwanisike, haina kukodzera uye inotowedzera matambudziko agara aine vagari ari kukonzerwa neCovid-19 sezvo vazhinji vasati vave kukwanisa kushanda zvizere.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna meya weHarare, VaStewart Mutizwa, sezvo vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira pamusoro penyaya iyi.

Ngatinzweyi hurukuro yaitwa naJonga Kandemiiri weStudio 7 naVaShumba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG