Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoti Irikunetseka Kubhadhara Zvikwereti Zvayo


Dr John Mangudya
Dr John Mangudya

Gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vataurira bepanhau reFinancial Gazette kuti Zimbabwe iri kunetseka kubhadhara zvikwereti zvayo.

Muna Gunyana gore rapera, zvikwereti zveZimbabwe izvi zvaiita mazana mashanu nemakumi manomwe emamirioni emadhora asi pari zvino zvikwereti zvenyika zvinopfuura mazana matanhatu emamiriyoni emadhora.

Zvichakadaro, VaMangudya vataura izvi apo bhanga repasi rose, reWorld Bank raburitsa mashoko ekuyambira Zimbabwe kuti ivandudze mitemo yainoshandisa munyaya dzezvemari, richiti kana Zimbabwe ikasavandudza mitemo iyi, zvinhu munyaya dzezvemari zvinogona kukanganisika zvakaipisisa gore rino risati rapera.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti pari zvino hurumende iri kushandisa mari yakawanda kugadzirira sarudzo uye kuhoresa vashandi vayo, naizvozvo mitemo mizhinji haigone kuvandudzwa iye zvino asi mushure mesarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG