Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi Dzoita Chivimbo neHurongwa hweRBZ


Doctor John Mangudya
Doctor John Mangudya

Gavhuna webhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, Doctor John Mangudya, vakaparura nezuro hurongwa kwemafambisirwo emari kana kuti monetary policy statement nechinangwa chekuda kusimbaradza hupfumi hwenyika.

VaMangudya vanoti vanodawo kuti mitengo iyo yange yoramba ichikwira idzikame.

VaMangudya vanotiwo vanhu vanenge vokwanisa kutora mari inosvika zviuru zviviri zvemadhora pazuva mumabhanga uye vari kutarisira kuparura imwe mari yemadhora makumi mashanu kana kuti $50.

Pari zvino RBZ ine mari hombe yemadhora makumi maviri.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaGift Mugano, vanoti hurongwa hweRBZ hunoratidza kuva hwakanaka sezvo hine chinangwa chekuti mitengo inge yakadzikama, izvo zvinobatsira mukusimbisa hupfumi hwenyika.

Ngatinzweyi VaMugano vachitaura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG