Accessibility links

Breaking News

VeTajamuka Vanoti Hapana Chabuda paMusangano Wavaita naGavhuna weRBZ VaMangudya nezvemaBond Notes.


Lynda Masarira - Tajamuka
Lynda Masarira - Tajamuka

Muzvare Lynda Masarira vesangano reTajamuka vanoti hapana chabuda pamusangano wavakaita nagavhuna weRBZ Dr John Mangudya avo vati mabond notes ari kuzoparurwa mukupera kwemwedzi uno, uye ari kudhindwa kunze kwenyika.

Sangano reTajamuka rakakumbira musangano naVaMangudya kuti vanzwisise nyaya yema bond notes vakamirira veruzhinji asi kunyangwe zvazvo vakatambirwa kumahofisi eRBZ nhengo dzavo gumi chete ndidzo dzakapinda mukati vamwe vakarambidzwa.

Lynda Masarira - Tajamuka
Lynda Masarira - Tajamuka

​Muzvare Masarira vanoti havana kufara nemafambiro aita musangano uyu nekuti vabuda vasina chavawana pachikumbiro chavo chekuti mabond notes ambomirwa sezvo achakanganisa mararamiro everuzhinji munyika kunyanya vanorarama nekutengesa zvinhu.

"Ndarwadziwa nekuti pane zvese zvatapa sezvikumbiro hapana chatambirwa uye tatoudzwa kuti chirongwa chemabond notes chiri kuenderera mberi kupera kwemwedzi uno," Muzvare Masarira vaudza Studio 7.

Vanotiwo shuwiro yavo ndeyekuti veruzhinji vasatambire mabond notes. VeTajamuka nevamwe vanoti vacharatidzira svondo rinouya vachiti havasi kusafara nenyaya yemabond notes.

"Tichange tichienda mumugwagwa svondo rinouya ticharatidza kusafara kwedu nemabond notes," Muzvare Masarira vaudza Studio 7.

VaMangudya vanonzi vatsika madziro vachiti mabond notes achatoparurwa kupera kwemwedzi uno.

Muzvare Masarira vanoti vabvunzawo nezve nyaya iri kubuda mumapepanhau yekuti mabond notes ave kutodhindwa zvisiri pamutemo asi VaMangudya vanonzi vati vanenge vaoona mabond notes ari kunzi akadhindwa aya vaman'are kumapurisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG