Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anorambidza Vanotengesera Mumigwagwa Kufora Vachinyunyuta neKushungurudzwa neMapurisa


Riot Police At Doctor Peter Magombeyi Protest

Mapurisa muHarare nhasi anonzi anyima mvumo yekufora kunhengo dzesangano revanorarama nekutengesera mumigwagwa reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, VISET, idzo dzanga dzichida kuratidzira kwadzinoti hutsinye hwemapurisa zvichitevera kushaya kwemumwe wavo ari muhusungwa.

VaTafadzwa Hilton Tamangani vakashaya vari muhusungwa kuHarare Remand Prison mushure mekusungwa pamwechete nevamwe gumi vanotengesera mumigwagwa vachipomerwa mhosva yekurova mupurisa.

Mukuru wesangano reVISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti vakanga vakanyorera mapurisa neMuvhuro svondo rapera vachiazivisa nezvehurongwa hwavo hwekuda kuratidzira uhwu.

Asi vanoti vazoshamisika vachiwana mhinduro inovaudza kuti tsamba yavo yakanga isiri kuwirirana nezvinodiwa nechikamu 25 chemutemo wePublic Order and Security Act (POSA) (Chapter 11:17), nekudaro vakanga vasingafanirwe kuenderera mberi nekuratidzira uku.

Studio 7 yakundikana kubata Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Asi vaWadzayi vanoti vari kupikisa danho remapurisa iri kuburikidza nekumhanyira kudare repamusoro reHigh Court.

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda



Facebook Forum

XS
SM
MD
LG