Accessibility links

Breaking News

Zvechitendero

'Vanhu Vari Kubatsirana Panguva Ino; Zvirambe Zvakadaro' - Mufundisi Oliver Mandisodza

Rev Oliver Mandisodza

Mufundisi Oliver Mandisodza, veMen of Valour, Purpose and Vision Men’s Ministry, vanoti kereke yavo nevatenderi vavo vakagara vachishandisa madandemutande echizvino zvino kana kuti ‘social media’ mukuparadzira shoko raMwari nekutaurirana nevatendi vavo.

Vanoti vatenderi vekereke yavo vanonzwisisa uye vanotevedzera zvirongwa zvekuti vanhu vasaungana panguva ino yekurwisana nechirwere checoronavirus.

Mufundisi Mandisodza vanoti kunyange hazvo shoko raMwari risina zvinoridzivirira, vanhu vanofanirwa kuita zvavanoudzwa kuti vaite nehurumende dzavo.

Vanoti vatendi vavo vari kuenderera mberi muminamato yavo nemune zvese zvavanofanirwa kuita mukereke asi vachiitawo zvinokurudzirwa nevezvehutano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


See all News Updates of the Day

Mwari Vanotaura Nesu Nguva Dzose – Mufundisi Blessing Makwara

Reverend Blessing Makwara

MuBhaiberi, tinosangana nenguva zhinji apo Mwari vaitaura nevaranda vavo ivo vachikwanisa kutaurawo naIshe.

Vamwe vanoshamiswa kuti sei Mwari vasisatauri nesu sezvavaiita nguva dzavana Abraham, Moses, Job nevamwe.

Mufundisi Blessing Makwara vanoti Mwari havana kumbomira kutaura nesu.

“Tinofanira kuteerera zvikuru mashoko aMwari akauya nenhumwa dzake, kunyanya Mambo Jesu Kristu,” vanodaro Mufundisi Makwara.

Vanoti Mwari vachiri kutaura nesu sezvavaiita nguva dzakare.

“Tinoona kutaura kwaMwari nenzira mbiri. Mwari varikutaura kuburikidza neshoko ravo riri muBhaibhiri nokuti shoko raMwari ibenyu, harina kufa, harina kuwora.”

Mufundisi Makwara vanoti simba reshoko rakataurwa naMwari riripo nanhasi wese uye hariori nekuti Mwari wedu havashanduki - ndivo Mwari wedu wanezuro, nhasi namangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VOA60 World - At Least 10 People Confirmed Dead in India Building Collapse

VOA60 World - At Least 10 People Confirmed Dead in India Building Collapse
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:00 0:00

“Hatinamati Mwari Nekuti Pane Zvatinoda Asi Nekuti NdiMwari’ – Mufundisi Oliver Mandisodza

Rev Oliver Mandisodza

Mufundisi Oliver Mandisodza vanoti Mwari anonzwa minamato yedu uye anoteerera zvikuru. Vanopa mufananidzo waHabakuk, uyo akasangana nenguva yakaoma akaita minamato yake asi, pekupedzisira, Habakuk akati haana kunamata Mwari nekuda kwe zvaaizowana kubva kuna Mwari, achiti akarumbidza Mwari nekuti ndiMwari.

Mufundisi Mandisodza vanoti vatendi vemuZimbabwe vashinge vachiziva kuti hapana chinogona kuitika kana nguva yaMwari isati yasvika, vachitipa mufananidzo wemwana asingagone kuzvarwa kana mwedzi mipfumbamwe isati yakwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

‘Pakunamata Mwari Panofanirwa Kuva Nekuziva’ - Mufundisi David Simango

Reverend Doctor David Simango

Mufundisi David Simango vanoti chinhu chinonetsa ndechokuti vanhu havadzidziswi zvekunamata Mwari mumachechi mavo asi vanongoudzwa kuti varambe vachinamata chete.

“Kunamata kwezvokwadi kunosanganisa kuita. Mukaverenga Joshua 7:10, Mwari anoti kuna Joshua ‘Simuka, usaramba wakarara nechiso chako pasi ipapo; simuka upinde muguta ugadzirise muguta nokuti muguta mashata.’

Vanoti izvi zvinoreva kuti kutenda kusina mabasa kwakafa uye hakubatsiri, vachiti Mwari unoda kuti uku tinamate asi ukuwo pane zvatinoita kugadzirisa zvatiri kunamatira zvacho.

Mufundisi Simamngo vanoti Mwari anonzwa minamato yevana veZimbabwe asi vana veZimbabwe vanezvavanofanirwa kuita pamwe chete neminamato yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:12:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

'Mwari Pane Chaanoda Kudzidzisa Vana VeZimbabwe' - Mufundisi Levee Kadenge

Reverend Doctor Levee Kadenge

Mufundisi Levi Kadenge vanokurudzira vana veZimbabwe kuti varambe vachinamata sezvo matambudziko avakatarisana nawo achapfuura.

Mufundisi Kadenge, avo vanodzidzisa paUnited Theological College, vanoti Mwari pane chaanoda kudzidzisa vana veZimbabwe mukutambudzika kwavo.

“Kunyangwe hazvo vana veZimbabwe vari munyatwa, vasakanda pasi mapfumo emunamato; ngavarambe vakatarisa muchinjikwa nokuti hapana chimwe chichatiponesa,” vanodaro Mufundisi Kadenge.

Vanoti vanhu vasafunga kuti mhinduro yaMwari yavanonokera nekuti Mwari pane zvaanotirongera, vachiti zvekare, Mwari anoshanda nenzira dzakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG