Accessibility links

Breaking News

Zvechitendero

‘Tinofanirwa Kungwarira Zvatinoreva Kana Tichiti Hurumende Dzinogadzwa naMwari’ – Mufundisi David Simango

Reverend Doctor David Simango

VaRoma 13:1-2, inoti, “Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari. 2Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa.”

Mashoko aya ane vazhinji vasinganyanyi kuwirirana nayo. Mufundisi David Simango vanoti mashoko aya anechokwadi, asi vanokurudzira vanhu kuti vanzwisise kuti zvirikutaurwa apa ndezvipi uye zvinoreveyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

See all News Updates of the Day

‘Hakuna Munhu Anofa Achidzokazve Kuzogara Mune Mumwe Munhu’ -Mufundisi David Simango

Reverend David Simango

Mumwe mufundisi wekereke yeZAOGGA Foward in Faith Reverend David Simango vanoti hakuna munhu anofa mweya wake odzoka kuzogar mune mumwe munhu sezvinofungwa nevamwe patsika dzechivanhu.

Muhurukuro neStudio 7 muchirongwa chinotarisa nhau dzezvitendero, Mufundisi Simango vanoti zvinotaurwa muBhaibheri zvekuti mweya waMoses, Elijah nemamwe maporofita zvakasiyana zvachose nezvechivanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kana muine mibvunzo kana kuti muine zvamungada kugovana nevamwe munyaya dzezvechitendero, tumirai mazwi enyu paWhattsAp nhamba yeZvechitendero pa +1-301-919-8140.

Vatereri Vanopa Pfungwa Dzavo Muchirongwa Che’Zvechitendero'

Vatereri vechirongwa cheZvechitendero vanokwanisa kutaura nevamwe vatereri vechirongwa ichi paStudio7.

Svondo rino, tinokuunzirai mazwi evamwe vatereri vachipa pfungwa dzavo, mazano avo kana kubvunza vamwe vatereri pamusoro pezvavanoda kunzwisisa munya yeZvechitendero.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kana muine mibvunzo kana kuti muine zvamungada kugovana nevamwe munyaya dze Zvechitendero, tumirai mazwi enyu paWhattsAp nhamba yeZvechitendero pa +1-301-919-8140.

"Mwari Wega Ndiye Asingagumi" - Mufundisi David Simango

Reverend David Simango

Vatendi, pamwe chete nevanhu vazhinji, vanotaura ne kubvunza pamusoro pe kuguma kwenyika.Pane pfungwa dzakasiyana pamusoro pe nyaya iyi sezvo vazhinji vachida kunzwisisa kuti magumiro enyika anouya sei uye kuti anoitika sei.

Vamwe vanoti kufa kwemunhu ndiko kuguma kwenyika, vamwevo vachiti kuguma kwenyika handi kwe munhu umwe chete.

Mufundisi David Simango vanoti zvinhu zvose zvakasikwa pamwe chete nenyika, zvine nguva yazvo nekuti hapana chinhu chakasikwa chisina magumo. Mufundisi Simango vanoti chisingagumi chete ndiMwari, zvimwe zvese zvinoguma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Mwari Vanotaura Nesu Nguva Dzose – Mufundisi Blessing Makwara

Reverend Blessing Makwara

MuBhaiberi, tinosangana nenguva zhinji apo Mwari vaitaura nevaranda vavo ivo vachikwanisa kutaurawo naIshe.

Vamwe vanoshamiswa kuti sei Mwari vasisatauri nesu sezvavaiita nguva dzavana Abraham, Moses, Job nevamwe.

Mufundisi Blessing Makwara vanoti Mwari havana kumbomira kutaura nesu.

“Tinofanira kuteerera zvikuru mashoko aMwari akauya nenhumwa dzake, kunyanya Mambo Jesu Kristu,” vanodaro Mufundisi Makwara.

Vanoti Mwari vachiri kutaura nesu sezvavaiita nguva dzakare.

“Tinoona kutaura kwaMwari nenzira mbiri. Mwari varikutaura kuburikidza neshoko ravo riri muBhaibhiri nokuti shoko raMwari ibenyu, harina kufa, harina kuwora.”

Mufundisi Makwara vanoti simba reshoko rakataurwa naMwari riripo nanhasi wese uye hariori nekuti Mwari wedu havashanduki - ndivo Mwari wedu wanezuro, nhasi namangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VOA60 World - At Least 10 People Confirmed Dead in India Building Collapse

VOA60 World - At Least 10 People Confirmed Dead in India Building Collapse
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:00 0:00

Rodhai zvimwe

XS
SM
MD
LG