Accessibility links

Breaking News

Pastor Mayere: Rwendo Kubva Mubhawa Kusvika Kuchechi


Pastor Alexander Mayere
Pastor Alexander Mayere

Mufundisi Alexander Mayere vekereke yeChrist The Savior Ministries vanoti vakapedza makore akawanda vari munyika vachiita mabasa asina kurarama asi kubva zvavakatendeuka vave kurarama hupenyu hutsva.

Vanoti nyaya yekusararana muna Kristu yakapa kuti vaputse muchato wavo nekuda kwekuraradza.

VaMayere vanoti vanotenda Mwari neavo vakavabatsira kuziva shoko nekuti vakakwanisa kutevera nzira yohutsvene zvekuti ikozvino vagere zvakanaka nemhuri yavo uye vakaropafadzwa nevana vatatu.

Pastor Alexander Mayere vanotsanangura zvehupenyu hwavo vachiti vaive vasina hunhu, vachimwa doro zvakanyanya uye vasingagone kuroora.

Vanoti parizvino vari mubishi kuumba chechi yavo itsva yeChrist The Savior Ministries iyi.

“Ndakaona kuti vanhu vazhinji munzvimbo yeGweru vakarasika. Uyezve havasi kuziva Mwari. Gweru inzvimbo yandakazvarirwa uye ndiyo yandinonyanya kuziva. Izvi ndizvo zvaita kuti ndigonewo kutanga chechi kuti ndibatsire vanhu vari kutambudzika, vasina Mwari mukati mavo.”

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG