Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Mutumbi waVaMugabe Ngaufukunurwe Unovigwe Patsva kuHeroes Acre


Funeral of the late former president Robert Mugabe at Kutama village, Zvimba communal lands, Mashonaland West province.

Dare ramejasitiriti muChinhoyi rapa mutongo wekuti mutumbi wevaimbove
mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe, ufukunyurwe unoradzikwa kumarinda anovigirwa magamba kuHarare.

Vachipa mutongo wavo nhasi masikati Muzvare Ruth Moyo varasa
chikumbiro chevana vaVaMugabe vanoti; Bona Mugabe, Tinotenda Robert Jnr naBellaimine Mugabe chekuti dare rimise kufukunyurwa kwemutumbi wababa vavo sezvakanga zvatongwa naMambo Zvimba muna Chikumi.

Muzvare Moyo vapa chikonzero chekuti vana vakaunza nyaya yekumisa
kufukunyurwa kwaVaMugabe havasi ivo vari pamagwaro emutongo waMambo Zvimba asi kuti amai vavo, Amai Grace Mugabe, ndivo vakapihwa mutongo uyu.

Rimwe remagweta aVa Trinos Mangovere avo vakaendesa nyaya kwaMambo Zvimba vachiti Amai Mugabe vakakanganisa nekuviga VaMugabe pachivanze chepamba pavo kwaZvimba, VaPardon Nhokwara, vati vafadzwa nemutongo wapihwa nedare.

Asi gweta revana vaVaMugabe, VaFungai Chinwamurombe, vati havana
kufadzwa nemutongo vachiti zvekuti ndiyani anokwidza nyaya hazvina
basa sezvo mutemo weCustomary Law and Local Courts Act uchiti munhu
wese anoda anogona kukwidza nyaya kudare repamusoro kana asina
kufadzwa nemutongo waMambo.

VaChimwamurombe vati vachazivisa mhuri yekwaMugabe kuti vavataurire zvekuita.

Asi VaChimwamurombe vabvuma kuti mutongo wanhasi unotsigiraa mutongo waMambo Zvimba wekuti mutumbi waVaMugabe ufukunyurwe.

Asi mamwe magweta anoti mutongo uyu unogona kupikiswa mudare repamusoro.

VaMugabe vashaikira kuSingapore muna Gunyana 2019 uko kwavaigara vachienda kunorapwa. VaMugabe, avo vakatonga nyika kubva muna 1980, vakabviswa pachigaro zvechisimba nemauto muna Mbudzi 2017.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG