Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inodzikisa Mutengo wePasipoti yeChimbichimbi


Hurumende yazivisa kuti yadzikisa mutengo wepasipoti yechimbichimbi asi ichikwidza mutengo weinononoka kubuda.
Hurumende yazivisa kuti yadzikisa mutengo wepasipoti yechimbichimbi asi ichikwidza mutengo weinononoka kubuda.

Hurumende yazivisa kuti yadzikisa mari inobhadharwa pakutora mapasipoti zvechichimbi asi yawedzera mari inobhadharwa pamapasipoti anononoka kubuda.

Gurukota rinoona nezvinotika mukati menyika, VaKazembe Kazembe, vazivisa kubudikidza nemutemo weStatutory Instrument 16 of 2022, kuti mapasipoti echimbichimbi kana kuti emergence passports, ayo anga achitorwa nemadhora ekuAmerica mazana matatu ane gumi nemasere ($318), ave kutorwa nemadhora mazana maviri ekuAmerica.

Muchiziviso ichi, hurumende yakwidza mari yepasipoti inononoka kubuda, kana normal passport, kubva pamadhora makumi mashanu nematatu kusvika pazana rimwechete remadhora ekuAmerica.

Mari iyi ndiyo imwecheteyo ichange ichibhadharwa kana munhu achida kutora pasipoti yechizvinozvino, kana kuti e-passport, yakaparurwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mwedzi wapera.

Pamusoro pemari iyi, VaKazembe vatiwo veruzhinji vachange vachisungirwa kubhadhara mari inoita madhora makumi maviri ekuAmerica kuti vawane iri kudaidzwa kuti Quick Response Code inoita kuti ma e-passport akwanise kuverengeka pamichina yechimanjemanje yave kushandiswa nedzimwe nyika.

Mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Tabeth Madziva, vati vafara zvikuru nekudzikiswa kwemari yekutora mapasipoti echimbichimbi vachiti mari yanga ichibhadhariswa nehurumende pakutora mapasipoti aya yanga yakawandisa.

Asi umwe mugari wekuEpworth, VaKennedy Mazivanhanga, vati havasi kufara nekukwidzwa kwaitwa mari yekutora pasipoti isiri yechimbichimbi nemadhora makumi mana nemanomwe ekuAmerica.

Mutauriri wemubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vati hurumende inofanira kutora matanho ekuti vanhu vakwanise kuwana magwaro ose zviri nyore kubva kumagwaro ekuzvarwa, zvitupa kusvika kumapasipoti.

VaMasaraure vatiwo veruzhinji vari kurasikirwa nemikana yakawanda kunze kwenyika nekuti vanenge vasina magwaro ekufambisa sezvo vazhinji vasina magwaro ekufambisa.

Hatina kukwanisa kutaura naVaKazembe sezvo vanga vasiri kudaira nhare dzavo pamwe nevekumahofisi amabharani mukuru, kana kuti Registrar General, kuti tinzwe kuti vachadzikisa here mutengo wemapaspipoti zvakare uye kuti matanho api avachatora pane avo vane mapasipoti asati abuda vave nenguva vakamirira mapasipoti avo.

Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakanyora padandemutande ravo reTwitter kuti michina yekudhinda mapasipoti echizvinozvino inokwanisa kudhinda mapasipoti zviuru makumi matatu (30 000) pazuva zvichireva kuti michina iyi ikatanga kushandiswa Zimbabwe inokwanisa kudhindira vanhu vose vakamirira mapasipoti avo vanofungidzirwa kuti vanosvika zviuru mazana maviri mukati memavhiki maviri.

Nyaya ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG